Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasvitsa neChipiri makore makumi masere nemasere ekuberekwa vachipika kuti hutano hwavo hwakanaka chose uye vachiti havasi kuzosiya chigaro.
Kunyange VaMugabe vaita mabiko nemhuri yavo chete, pane mabiko makuru achaitwa kuManicaland ari kunzi nevakawanda anogona kupedza mari inosvika miriyoni imwe chete yemadhora kana kutopfuura.
Vamwe vanoti VaMugabe vachashandisawo mari yehurumende kuita mabiko aya kunyange vanhu vari kuudzwa kuti mari iri kutsvagwa nebato ravo.
Nguva zhinji Zanu PF inokumbira vemakambani pamwe navana muzvinabhizinesi kuti vabatsire nemari inoshandiswa pamabiko aVaMugabe.
Mukuita mabiko aya, hurumende inoshandisawo mari kuburikidza nekubhadhara vachengetedzi vaVaMugabe, vatyairi vedzimotokari, vasori mapurisa nemauto anoenda kunochengetedza kunenge kuina VaMugabe.
Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti havazivi kuti imari yakawanda zvakadii yehurumende ichashandiswa muhurongwa uhu. Vati vanotozoziva huwandu hwemari inenge yakashandiswa panenge porongwa hurongwa hwemari yehofisi yemutungamiri wenyika munguva yekuita hurongwa hwemari ichashandisa nehurumende.
Pari kutarisirwa kuti vakuru vebato vachashanyira nzvimbo dzakawanda kuManicaland uye panenge paine vaimbi vakawanda vanosanganisira Aleck Macheso, Nicholas Zacharia nevamwe vanenge vachikwenya magitare neMugovera.
Vamwe vanoti VaMugabe vakwegura vanofanira kusiya basa kunyange ivo vari kuti vachiri vakagwinya.
Gore rapera, nekutanga kwegore rino, VaMugabe vange vari kuenda kunorapwa kuSingapore asi havana kana kutaura nezvenyaya iyi muhurukuro yavo nenhepfenyuro yeZBC pamwe nemapepanhau ehurumende.
Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti hapna chakaipa kupemberera zuva rekaberekwa mutungamiri wenyika.
VaMugabe vanotiwo hurumende haina mari yekupa vashandi vayo, asi inokwanisa kuzadzisa zvido zvavo nedzimwe nzira.
Vashandi vehurumende vari kuda kuti vawedzerwe mari dzemihoro, asi hurumende yakakwanisa kuvawedzera mari dzekubatsirikana chete.
Svondo rapera, vamiriri vevashandi vehurumende vakasangana nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vachida kuti zvichemo zvavo zvinzwikwe nevakuru vehurumende.
Vashandi ava vari kutarisirwawo kuzosangana naVaMugabe.
VaMugabe vanotiwo vari kufara nekuti Global Political Agreement yakaita kuti mapato matatu ari munyika aite mushandira pamwe.
Vanotiwo vari kushanda zvakanaka naVaTsvangirai, vachiti manyepo ari kunyorwa mumapepanhau ekuti ivo naVaTsvangirai vari kunetsana muhurumende.
VaMugabe vanoti chinhu chakanaka kuti mapato ezve matongerwo enyika ave nemaonero akasiyana. Asi vanoti kusiyana uku hakufanirwe kupa mukana wekuita mhirizhonga.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaPedzisayi Ruhanya, avo vanoshanda semukuru wezvirongwa zveCrisis in Zimbabwe Coalition, vanotiwo maonero avo ndeekuti dai VaMugabe vanofanirwa kuchisiya basa voenda kunozorora.