Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Voshora Maitiro aVaKasukuwere Vachiti Anotyora Bumbiro reMitemo


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti hurumende haisati yatora danho rekuti mabhanga, zvikoro nezvimwe zviiswe muhorongwa hwekuendesa hupfumi kuvatema.

Mashoko aVaTsvangirai anotevera danho rakatorwa negurukota rezvekuendesa hupfumi kuvatema, VaSavior Kasukuwere, avo vakazivisa nezvehurongwa hwavo mugwaro reGovernment Gazett.

VaTsvangirai vanoti dare remakurukota harisati ragara pasi pamusoro penyaya iyi, nokudaro zvakaitwa naVaKasukuwere zvinotyora bumbiro remitemo iro risingabvumidze hurumende kuti itore makambani nechisimba.

Gurokota rezvedzidzo, VaDavid Coltart, vanotiwo havawirirane nedanho iri uye hapana rimwe bazi rinobvumidzwa kungoita madiro mumapazi evamwe.

Mukuru wesangano reEmployers Confederation of Zimbabwe, VaJohn Mufukari, vanoti danho raVaKasukuwere rinogona kudzorera hupfumi hwenyika kumashure.

VaMufukari vanoti sangano ravo riri mushishi rekuyedza kuzeya nemakurokota ehurumende ari kufambisa chirongwa ichi kuitira kuti vanzwisise kuti chichabatsira seyi remangwana enyika.

VaMufakari vanoti vakatumira hurumende gwaro rinopa mafungiro esangano ravo panyaya iyi sezvo vari kupokana nemafambisirwo ari kuitwa chirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti hurumende inofanirwa kutanga yadzidzisa vanhu zvokuita isati yatanga kutora zvikamu mumakambani sezvakaitika munyaya dzeminda.

XS
SM
MD
LG