Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoratidza VaMugabe Mudzimai Wavo Mutsva


Mutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri weMDC huru, VaMorgan Tsvangirai, vanonzi vakaratidza mudzimai wavoi mutsva kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe. VaTsvangirai vanonzi vakaita izvi neMuvhuro, vakaratidzawo mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, pamusangano wavanoita neMuvhuro wega wega.

Izvu zvinotevera mashoko ekuti VaTsvnagirai vakaroora pachivanhu Elizabeth Macheka nguva pfupi yapfuura.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vanoti mhuri yaVaTsvangirai yakatotambira pamwe nekupemberera muroora mutsva uyu mukupera kwesvondo kumusha kwavo kuBuhera.

Kutanga kwegore rino, VaTsvangirai vakambobuda mumapepanhau pamusoro paMuzvare Locadia Karimatsenga Tembo, avo vavainzi vainge varoora, kunyange hazvo VaTsvangirai vakazogura hukama uhu.

Mudzimai wekutanga waVaTsvangirai, Amai Susan, vakashaya mutsaona yemotokari muna Kurume mugore ra2009.

VaTsvangirai vakanga vari kuAmerica pazororo nemudzimai wavo, pamwe nemhuri yavo masvondo maviri apfuura. Hazvisati zvaziviswa kuti vaviri ava vachachata riini.

Vanoongorora tsika nemagariro evanhu, uye vari nhengo ye Methodist Church in Zimbabwe, Reverend Doctor Levy Kadenge, vanoti kuroora kwaita VaTsvangirai kuchavapa chiremerera chakanyanya, zvikuru semutungamiri wehurumende.

XS
SM
MD
LG