Accessibility links

Breaking News

Britain Yovimbisa Kuona Sarudzo Dzakachena muZimbabwe


VaCameron vakati nyika yavo ingangoita zvose zvainogona mukubatsira, asi zvakakosha kwazvo kuti South Africa, nenyika dzemuSADC dzitore danho rekutungamira mukugadzirisa zviri kunetsa muZimbabwe

Mutungamiri weBritain, VaDavid Cameron, vanoti vachaedza napose pavanogona napo kukurudzira pasi rose kuti rione kuti muZimbabwe maitwa sarudzo dzakachena.

VaCameron vakataura mashoko aya neChitatu mushure mekusangana nemutungamiri wehurumende, uye vari mutungamiri werimwe bato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, avo vanga vari kuLondon kumusangano wezvemabhizimusi muAfrica.

VaCameron vakati nyika yavo ingangoita zvose zvainogona mukubatsira, asi zvakakosha kwazvo kuti South Africa, nenyika dzemuSADC dzitore danho rekutungamira mukugadzirisa zviri kunetsa muZimbabwe.

Mutungamiri wenyika uye vari mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, vakazivisa kuti sarudzo dzingangoitwa gore rino kana dai bumbiro remitemo riri kunyorwa risina kupera.


Asi mapato eMDC ari maviri ari kuti sarudzo dzinofanirwa kuitwa chete kana pazadziswa zvinetswa zviri muchibvumirano cheGlobal Political Agreement.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti kuti bato ravo harizombofi rakashaya hope nemashoko aVaCameron aya sezvo Zimbabwe ichitevera mitemo yayo mukuita sarudzo.

XS
SM
MD
LG