Accessibility links

Breaking News

VaChidyausiku Vanorasa Nyaya yaVaMutasa naVaMliswa


VaGodfrey Chidyausiku
VaGodfrey Chidyausiku

Dare repamusoro-soro re Constitutional Court rarasa chikumbiro chevaimbova gurukota rinowona nezvinotika muhofisi yemutungamiri wenyika, Va Didymas Mutasa, pamwe nevaimbova mumiriri weHurungwe West muparamende, Va Themba Mliswa, chekuti mutongo wakaturwa nemutauriri wedare reparamende wekuvadzinga muparamende usendekwe parutivi.

Nyaya yekudzingwa muparamende kwakaitwa vanga vari mumiriri we Headlands muparamende, Va Didymas Mutasa, avo vakambenge vari gurokota rinowona nezvinoitika muhofisi yemutungamiri wenyika, pamwe nevakange vari mumiriri weHurungwe West muparamende, Va Themba Mliswa, yanzwikwa mudare repamusoro-soro neChitatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gweta revaviri ava, Va Lovemore Madhuku, vaudza dare kudzingwa kwavakaitwa kwakanga kuri kunze kwemutemo sezvo vaMutasa naVa Mliswa vasina kupihwa mukana wekutaura divi ravo nemutauriri weparamende, Va Jacob Mudenda, mushure mekunge Va Mudenda vatambira tsamba kubva kumunyori anowona nezvekufambiswa kwemabasa mu Zanu PF, Va Ignatius Chombo, yekuti vaviri ava vadzingwe muparamende.

Va Madhuku vati Va Mutasa naVa Mliswa vaifanira kupihwa mukana naVa Mudenda wekuenda kumatare sezvo Va Mutasa vakanga vanyorera Va Mudenda tsamba vachiti vakanga vachiri nhengo ye Zanu PF zvinova zvakasiyana nezvakanga zviri mutsamba yaVa Chombo.

Asi rimwe remagweta aVa Mudenda, Va Andrew Demo, vaudza dare Zanu PF yaizorasikirwa zvikuru kana vaviri ava vakabvumidzwa kudzoka muparamende sezvo vasisiri nhengo dzebato iri.

Vatiwo hapana mutemo wakatyorwa naVa Mudenda sezvo vakangotevedzera zviri mubumbiro remitemo yenyika zvekutI kana munhu asisiri nhengo yebato, bato iri rinobvumidzwa kubvisa munhu uyu muparamende.

Vatiwo Va Mudenda havabvumidzwe nemutemo kugadza vanhu dare sezvataurwa naVa Madhuku kuti vaviri ava vaifanirwa kubvunzwa pavamire zvichitevera kutambira kwakaita Va Mudenda tsamba yakanyorwa naVa Chombo.

Asi mukuru wevatongi munyika, Va Godfrey Chidyausiku, vaudza dare kuti vatongi vese vanga vachinzwa nyaya iyi vaona zvakakodzera kuti varase chikumbiro chaVa Mutasa naVa Mliswa vachiti vachazotura zvikonzero zvavo zvizere munguva yavasina kutara.

Zvichakadai, Va Madhuku vati vanotambira mutongo waturwa nedare kunyange usina kuuya wakarerekera kudivi ravo.

Rimwe remagweta aVa Mudenda, Va Simplicious Chihambakwe, vanoti vafara zvikuru nemotongo waturwa nedare uyu.

Va Mutasa naVa Mliswa vakadzingwa muparamende mushure mekudzingwa kwavakaitwa mu Zanu PF vachipomerwa mhosva yekusvibisa zita rebato iri zvichitevera makakatanwa akanga ari muZanu PF pamberi pekongiresi yebato iri yakaitwa gore rapera.

Zanu PF iri kupomerawo Va Mutasa mhosva yekuronga zvekupidigura mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vachishanda pamwe chete nevaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, avo vari kuramba mhosva iyi.

Zvichakadai, Va Mugabe vakazivisa kuti sarudzo dzekutsvaga vamiriri vatsva vanomirira Headlands ne Hurungwe West muparamende dzichaitwa musi wa 10 Chikumi.

XS
SM
MD
LG