Accessibility links

Breaking News

Musangano weZanu PF Woronga Hwaro hweBato Gore Rinouya


Musangano wepagore weZanu PF, uyo uri kuitirwa kwaMutare kuManicaland, wakaparurwa neChitatu zvichitevera misangano yakaitwa nenhengo dzeCentral Committee pamwe nenhengo dzePolitiburo dzebato iri muHarare.

Mutungamiri webato iri, uye vari mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakaudza nhengo dzeCentral Committee yavo kuti kuburitswa kwemakuhwa emuhurumende neWikiLeaks kwava kuita kuti bato ravo rifunge kaviri panyaya yehurumende yemubatanidzwa.

VaMugabe vakati vamwe vavo muhurumende yemubatanidzwa, vari kudyidzana nemhandu mukumbunyikidza hurumende yavo. Vakakomekedzawo varimi vechitema vari kurendesa mapurazi kuvachena vakatorerwa minda, vakati izvi hazvina kusiyana nekudzosera ivhu kuvachena.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti chikuru chichakurukurwa pamusangano uyu, inyaya yesarudzo, idzo dziri kudiwa naVaMugabe kuti dziitwe gore rinouya.

Asi bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai razivisawo kuti sarudzo idzi dzinofanirwa kungove dzemutungamiri wenyika chete, sezvo dziri idzo dzakaita gakava muna2008.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vari mukuru weCentre for Research and Development, VaFarai Maguwu, vanoti musangano weZanu PF uchashandiswa mukusimbaradza bato iri.

Imwe nyanzvi inoongorora zvematongerwo enyika uye vari mutungamiri weCentre for Community Development, VaPhilip Pasirayi, vanotiwo musangano uyu uchashandiswa kusimbaradza bato reZanu PF takatarisana nesarudzo dzingangoitwa gore rinouya.

XS
SM
MD
LG