Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Vanotsigira Zanu PF Pasi Rose Voita Musangano Mukuru muHarare


Musangano wevechidiki vemapato ezvematongerwo enyika, weWorld Federation of Democratic Youth, WFDY, watanga muHarare uchikokerwa nesangano revechidiki muZanu PF.

Vechidiki veZanu PF vaudza vanga vari pamusangano uyu mutungamiri wavo, VaRobert Mugabe, vachatonga nyika kudzamara vafa. Vatiwo kana VaMugabe vachisipo, mauto ndiwo achatonga, uye kana mauto asipo, vechidiki ndivo vachatonga nyika.

Vachitaura pamusangano wemazuva matatu weWFDY muHarare, sachigaro veZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, vati vechidiki vanofanirwa kubatana vachidzivirira nyika nenhaka yavo.

VaMoyo vataura mashoko aya pamberi pevechidiki vanodarika mazana maviri vanobva kumapato ezvematongerwo enyika ari pasi peWFDY.

VaMoyo vatiwo vechidiki vanofanirwa kuziva kuti hupfumi hwenyika ndehwavo. Vaudza vechidiki ava kuti vanofanirwa kungwarira kutorerwa hupfumi hwavo nenyika dzevapambepfumi.

Vatiwo chirongwa chekuendesa ivhu kuvatema chakakosha uye bato ravo harisi kuzodzokera shure panyaya iyi.

Musangano uyu uri kupindwa nemapato ezvematongerwo enyika anobva kunyika dzakaita seMozambique, Tanzania, Namibia, Angola, Lebanon, Brazil, Portugal nedzimwe.

Sangano reWorld Federation of Democratic Youth rakavambwa muna 1945 nechinangwa chekukurudzira vechidiki vemapato kuti vagare vakaziva maipiro ehudzvanyiriri.

VaMugabe, avo vanga vachifanirwa kuva munyarikani pachirongwa ichi, havana kukwanisa kuenda sezvo vanga vachisangana nenhumwa yeUnited Nations munyaya dzekodzero dzevanhu, Amai Navi Pillay.

Mamwe masangano evechidiki akawanda emunyika anoti haana kupinda musangano uyu sezvo mazhinji awo ati haana kukokwa.

Munyori wevechidiki vebato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaPromise Mkwananzi, vatiwo havana kupinda musangano uyu sezvo vasina kukokwa, uye vasingazivi dingindira rawo.

XS
SM
MD
LG