Accessibility links

Breaking News

Murimi Muchena Anopfuurwa Akafa kuChegutu


Farmer driving tractor plow field
Growth, Tractor, Agriculture, Environment, Nature, Horizontal, Outdoors, Rural Scene, Chinese Ethnicity, Farmer, Driving, Farm, Working, Blue, Sky, Cloud, Dirt, Spring, Field, Wheel, Adult, Dry, Plow, Color Image, Men,
Farmer driving tractor plow field Growth, Tractor, Agriculture, Environment, Nature, Horizontal, Outdoors, Rural Scene, Chinese Ethnicity, Farmer, Driving, Farm, Working, Blue, Sky, Cloud, Dirt, Spring, Field, Wheel, Adult, Dry, Plow, Color Image, Men,

Mumwe murimi wechichena, VaKobus Joubert, vanonzi vakapfuurwa nepfuti vakafa neMuvhuro manheru nevanofungidzirwa kuti magororo kuChegutu.

Murimi wefodya uyu akambova mutungamiri weZimbabwe Tobacoo Farmers Association, uye akambonetsana nevatsigiri veZanu-PF vaida kumudzinga papurazi rake asi akazodzokera mushure mekunge muchakabvu, VaJoseph Msika, avo vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, vapindira munyaya iyi.

Vesangano reCommercial Farmers Union vanoti pari zvino vachiri kufunga kuti murimi uyu aurayiwa nembavha. Mutevedzeri wemutungamiri we CFU, VaCharles Taffs, vanoti vanofunga kuti magororo ndiwo akaita kunyange hazvo nyaya iyi ichiri kuferefetwa.

Asi mutauriri wemapurisa, Superintendant Andrew Phiri, vanotiwo nehumbowo huripo, izvi zvakaitwa nembavha.

XS
SM
MD
LG