Accessibility links

Breaking News

Munhu Mumwe Chete Ofa neCovid-19 Hurumende Ichirwisa Kuti muZvikoro Musarambe Muine Dambudziko Iri


Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nemusi weSvondo zvasiya huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira hwave zviuru zvina nemazana matanhatu nemana kana kuti 4, 604.

Vanhu zana nemakumi maviri kana kuti 120 vakabatwa nechirwere ichi uye pavanhu ava zvikamu makumi matatu nemasere kubva muzana vana vechikoro kuManicaland kune gumi, Matabeleland North makumi matatu nemumwe uye vashanu kubva kuBulawayo.

Mukuru anoona nezvekurwisa denda reCovid-19 munyika Dr Agness Mahova vaudza Studio 7 kuti vari kushanda neStudio 7 kuona kuti chirwere ichi hachirambe chichipararira muzvikoro. Vati vakatenga zvekuvhenekesa chirwere ichi zvakakwana uye vari kufara kuti vari kukwanisa kuti chisapararire munharaunda kubva kuzvikoro.

Hurukuro naDr Agness Mahomva
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira gore rapera vave zviuru zana nemakumi maviri nemapfumbamwe zvine mazana matanhatu nemakumi maviri nemashanu kana kuti 129, 625.

Vanhu zana nemakumi maviri nemumwe vakapora zvasiya vapora vave zana rezviuru nemakumi maviri nemaviri zvine mazana maviri nemakumi mana nemapfumbamwe kana kuti 122, 249. Vanhu vabayiwa nhomba vave mamiriyoni matatu nezviuru makumi matatu nemanomwe zvine gumi nevatanhatu kana kuti 3 037, 013.

Vabayiwa nhomba kechipiri sezvinokurudzirwa vave mamiriyoni maviri nezviuru zana nemakumi mapfumbamwe nemanomwe zvine mazana matatu nemakumi matatu nemumwe kana kuti 2 197 331.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG