Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Opomera VaMoyse Mhosva yeKuzvidza VaMugabe


Mukuru weMedia Monitoring Project of Zimbabwe, MMPZ, VaAndrew Moyse, vanoti mapurisa ava kuvapomerwa mhosva yekuita zvinhu zvinozvidza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

VaMoyse vanoti vakasainiswa magwaro emhosva yavari kupomerwa, uye vakaita izvi vachiperekedzwa nemagweta avo. Mushure mekusaina magwaro aya, VaMoyse vanoti vakabva vadzokera havo kumba kwavo.

VaMoyse vanoti zuva rekuti vamiswe mudare redzimhosva harisati rataurwa sezvo mapurisa achazovazivisa nemasamanisi kana zuva racho ratarwa.

Mapurisa anoti zvinyorwa zvesangano raVaMoyse zviri kupihwa vanhu pachena zvinozvidza mutungamirim wenyika.

Mapurisa akapinda zvine chisimba mumahofisi eMMPZ kutanga kwaZvita ndokutora VaMoyse pamwe nema DVD nezvimwe zvinhu.

Ukuwu mapurisa ainge ambosunga vashandi veMMPZ vatatu kuGwanda vachinzi vaipa vanhu mapepa anoshora Va Mugabe. Vatatu ava vachapinda mudare musi wa 5 Ndira.

Chipangamazano musangano rinorwira kodzero dzevatori venhau, reMisa-Zimbabwe, VaThabani Moyo, vanoti vari kuona kumbunyikidzwa kutsva kwemasangano anoshnada akazvimirira ega munyika.

XS
SM
MD
LG