Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Voshora Chirongwa cheKuvandudza Hupfumi Pakuvigwa kwaVaChirenda


Amai Joice Mujuru
Amai Joice Mujuru
Vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vanoti gwaro remafambisirwo achaitwa hupfumi hwenyika kwemakore mashanu ari kutevera re ZimAsset harina kukwenezverwa zvakanaka.

Amai Mujuru vataura mashoko aya pakuradzikwa kwegamba renyika, Va Harold Chirenda, pamarinda anoradzikwa magamba enyika pa Heroes Acre.

Vachitaura pakuradzikwa kwegamba renyika, Va Harold Chirenda, avo vakashaya ku Bulawayo musi wa 1 Ndira, Amai Mujuru vati chirongwa chehurumende chakanangana nekuvandudza hupfumi hwenyika chine maburi akati wandei ane zvinhu zvinobata magariro everuzhinji munyika zvikurusei vechidiki.

Hurumende ye ZANU PF yakaparura chirongwa ichi ichiti chakanangana nezvakavimbiswa veruzhinji nebato iri panguva yaraitsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzegore rapera.

ZANU PF ndiyo yakakunda musarudzo idzi kunyange hazvo MDC ichiti sarudzo idzi dzakabirirwa zvemhando yepamusoro.

Zvisinei nekusamira zvakanaka kwavanoti kwakaita gwaro rehurongwa hwekuvandudzwa kwegupfumi iri, Amai Mujuru vati hurumende yavo ichashanda zvakasimba kuitira kuti zvose zvakavimbiswa ne ZANU PF payaitsvaga rutsigiro zvibudirire.

Vachitaura pamusoro pemushakabvu, Amai Mujuru vati Retired Lieutenant Harold Chirenda, avo vakafa svondo rapera mushure mekurwara kwenguva refu nechirwere chisina kududzwa, munhu akashanda zvakasimba kuti Zimbabwe iwane rusununguko pamwe nekuti vanhu vatema vazhinji vawane minda pasi pechirongwa chehurumende chekugovera vanhu ivhu patsva.

Ataura akamirira mhuri yemufi uye ari munin'ina wemushakabvu, Va Jokoniah Chirenda, vati Retired Lieutenant Colonel Harold Chirenda munhu anga achibatanidza mhuri uye vati vasiya gwanza richanetsa kuvhara.

Retired Colonel Chirinda vakaberekwa musi wa 1 Nyamavhuvhu muna 1944. Vakatanga zvematongerwo enyika muna 1964 vari mubato re ZAPU. Vakanga varipo pamudhadhadha wemotokari dzakaputikirwa nechimbambaira chakaurayisa Va Nikita Mangena muna 1978.

Mushure mekunge nyika yawana kuzvitonga kuzere muna 1980, Va Chirenda vakabata mabasa akawanda mune zvechiuto uye vakamboitwa military attaché kumuzinda we Zimbabwe uri ku Botswana kubva muna 1990 kusvika muna 1994.

Vakazosiya basa muchiuto muna 1995 vave kuenda pamudyandigere.

Retired Colonel Chirenda vasiya mudzimai, Florence, nevana vapfumbamwe nevazukuru gumi nevasere.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG