Accessibility links

Breaking News

Makano Oramba Akabatiranwa muZanu PF


Zvinhu mubato reZanu-PF zvinenge zvaramba zvakaita manyama amire nerongo kunyanya mudunhu reMidlands rinozivikanwa nekutsigira zvakasimba mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Zvinhu mubato reZanu-PF zvinenge zvaramba zvakaita manyama amire nerongo kunyanya mudunhu reMidlands rinozivikanwa nekutsigira zvakasimba mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanotsigira VaMnangagwa zvakasimba inhengo mbiri dzedare reparamende, VaJustice Mayor Wadyajena, VaOwen Mada Ncube uye sachigaro wevechidiki, VaEdmore Samambwa, vari kumiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekutuka uye kutyisidzira gurukota rezvemitambo, VaMakhosini Hlogwani, nevatevedzeri vaviri vemakurukota, VaTapiwa Matangaidze na Amai Anastacia Ndlovu.

Vakatyisidzirwa ava vanoti izvi zviri kuitwa nekuti vari kunzi vari kuchikwata chinozivikanwa nekuti Generation 40 icho chinonzi chinorerekera kuna Amai Grace Mugabe.

Amai Mugabe nemhuri yavo vanonzi vari kuzororo kuDubai pari zvino.Zvikwata izvi zvinonzi zviri kunetsana kuti ndiyani achatora chigaro chaVaMugabe avo vari kusvitsa makore makumi mapfumbamwe nemaviri mwedzi unouya.

VaHlongwani vaudza Studio 7 kuti dare riri kugara neMugovera richinzwa nyaya yavo.

Vamwe vakuru muZanu-PF vasina kuda kudomwa nemazita vanoti vatsigiri vaVaMnangagwa ava vakadzingwa zvinosiya VaMnangagwa vazungunuka zvakanyanya.

Dare repamusoro reZanu-PF rinotonga mhosva, reNational Disciplinary Committee, riri kumirira kunzwa nyaya dziri kubva kumatunhu anoti Mashonaland East, Mashonaland West, Masvingo, neManicaland dzenhengo dzebato dziri kunzi dzidzingwe.

Mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, vakamboti nyaya dzekudzingana mubato dzimire sezvo dzainge dzoita kuti bato riite zinyekenyeke.

Asi mutauriri webato iri, VaSimon Khaya Moyo vanoti havasi kuzodzora tsvimbo kana paine vanhu vanenge vachityora mutemo webato.

Vati vose vanenge vasiri kutevera gwara remusangano vanenge vazvisikira moto muziso.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari chipangamazano musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaJoy Mabenge, vanoti havashamisike kuti muMidlands mave kukamwa mbada.

XS
SM
MD
LG