Accessibility links

Breaking News

Machikichori muVictoria Falls Vanhu Vachipemberera VaMugabe


Va Robert Mugabe
Va Robert Mugabe

Mabiko makuru ekupemberera kusvitsa makore makumi mapfumbamwe nerimwe ekuberekwa kwemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ari kuitwa neMugovera muguta reVictoria Falls mudunhu reMatabeleland North.

VaMugabe vakasvitsa makore makumi mapfumbamwe nerimwe ekuberekwa svondo rapera musi wa 21 Kukadzi asi mabiko avo akaendeswa mberi kusvondo rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mabiko aya, ayo ari kurongwa nevechidiki veZanu PF, anonziwo anotarisirwa kushandisa mari inodarika miriyoni imwe chete yemadhora.

Pachaurayiwa nzou mbiri, nyati mbiri, ngwarati mbiri pamwe nemhara shanu dzichadyiwa nevanhu vanodarika zviuru makumi maviri vanotarisirwa kuvepo pamabiko aya.

Mabiko aya ari kutanga manheru eChishanu nemitambo yakasiyana siyana ichaitwa nevaimbi pamwe navananyanduri vakasiyana siyana.

Asi dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti kushaiwa hany’a kuri kuitwa nebato reZanu PF kupedza mari yakawanda kudaro pamunhu mumwe chete ruzhinji munyika rwuchinonga nhoko dzedzvironda.

Vamwewo ndivo vanoti kukwegura kwaita VaMugabe kwave kuita kuti mudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, vapinde panyanga nerweseri.

Asi VaMugabe vakaramba mashoko aya neChina apo vaitaura nenhepfenyuro yeZBC vachiti ndivo vachiri panyanga kwese kubato ravo nemuhurumende.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mangongera, vanoti havaoni chinoshamisa pane zviri kuitwa neZanu PF nokuti yagara ichiita hurongwa hwakadai kwemakore akawanda.

VaMangongera vanoti yasvikawo nguva yekuti munhu akura saVaMugabe achienda pamudyandigire nekuti pavasvika apa pfungwa dzinenge dzisisina kupinza sezvavaive vachiri kuzvinzwa.

XS
SM
MD
LG