Accessibility links

Breaking News

Kuratidzira Kunotadza Kuitika kuBhavhadhe raVaMugabe


Kuratidzira kwange kwakarongwa nevamwe vechidiki senzira yekuudza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vasatambise mari yakawanda pamabiko ebhavhadhe ravo nyika yakatarisana nenzara, hakuna kuzoitika.

Kuratidzira kwange kwakarongwa nevamwe vechidiki senzira yekuudza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vasatambise mari yakawanda pamabiko ebhavhadhe ravo nyika yakatarisana nenzara, hakuna kuzoitika.

Vanoziva zviri kuitika vanoti kuwanzwa kwaitwa mapurisa mumigwgwa uye kutyityidzirwa kwaitwa vatungamiriri vevechidiki vanga vachironga izvi, kwapa kuti kuratidzira uku kusabudirire.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vatungamiriri vesangano re Youth for Advocay and Democracy, Yard, vanoti ichokwadi kuti vakundikana kuratidzira mushure mukutumirwa mashoko pambozhanhare vachityisidzirwa nerufu kana vakaratidzira.

Izvi zvaita kuti vatungamiriri ava kusanganisira, anoona ne zvekufambiswa kwemabasa mu Yard mu Mausvingo, VaMunyaradzi Rushwaya, vahwande kusiri kuzivikanwa sezvo vari kutyira hupenyu hwavo.

VaTapfuma Gumbi, mumwe wevechidki ve Yard vatiwo vatungamiriri vavo havasi kuzikanwa kuti varipi.

Vamwe vagari vati vanga vachitarisira ratidziro iyi asi mushure mekuona zvanga zvakaita mudhorobha, umo mange muzere mapurisa, mauto nevasori, zvanga zvisingaite kuti vechidiki ava vapinde mumigwgwa.

Mumwe mugari aramba kudomwa nezita rake ati vechidiki ava dai vapinda mumigwagwa paideuka ropa nhasi muMasvingo.

Dhorobha re Masvingo rizere nevatsigiri ve Zanu PF vabva kumativi mana enyika kuzopemberera bhavhadhe raVaMugabe. Vatsigiri ava vazadza mahotera ose akatenderedza dhorobha reMasvingo uye vange vachiuya nedzimotorkari dzavo, ruzhinji rwuchishandisa mabhazi ezvikoro.

Mudzviti mukuru weMasvingo, Va Felix Chikovo, vakaudza vatori venhau kuti vanhu zviuru makumi mashanu vanotarisirwa kunge vachiuya kumabiko aya neMugovera.

Va Mugabe vari kupembererwa kusvitsa makore makumi mapfumbamwe nemaviri ku Great Zimbabwe uye bato ravo rakatovasarudza kuti vamirire Zanu PF pasarudzo dza 2018 apo vanenge vave nemakore makumi mapfumbamwe nemana.

Mabiko aVaMugabe achashandisa mari inosvika mazana masere ezviuru zvemadhora. Asi vakawanda vanoti dai mari iyi yashandiswa zvine hunhu mukati, yaikwanisa kutenga zviuru zvitatu zvematani echibage, kana 3000 metric tons.

XS
SM
MD
LG