Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vonanga kuEthiopia kuMusangano weAfrican Union


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasimuka munyika neChina vakananga kuEthiopia uko kuri kuitirwa musangano wekupemberera kusvitsa kweAfrican Union makore makumi mashanu.

Mhemberero idzi dziri kutanga neChishanu muguta guru renyika iyi, Addis Ababa.

VaMugabe vari kuperekedzwa mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Va Arthur Mutambara, gurukota rezvekunze kwenyika, Va Simbarashe Mumbengegwi nevamwe vakuru vakuru muhurumende.

VaMugabe vari kunobatana nevamwe vatungamiri venyika dzemu Africa mukupemberera kusvitsa kuri kuita sangano iri makore makumi mashanu sangano iri ravambwa muna 1963.

Dingindira rehurongwa uhu rinoti Pan-Africanism and African Renaissance.
Vatungamiri vemu Africa vachazeya zvinhu zvakawanda pamwe nekubuda negwara richange richishandiswa nenyika dzose dzemu Africa kwemakore makumi mashanu anotevera.
XS
SM
MD
LG