Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vopesana Pane Zvakakwanisa Kuitwa naVaMugabe Vari Sachigaro weAU


VaRobert Mugabe.
VaRobert Mugabe.

Vatungamiriri wemuAfrica vanotambidzana husachigaro hweAU gore rega rega uye VaMugabe vari kutambidza husachigaro uhwu kuna VaIdris Derby vekuChad pamusango uri kuitirwa kuEthiopia.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vange vari sachigaro weAfrican Union,AU, vari kusiya chigaro ichi pamusangano weAU uri kuitirwa muAddis Ababa kuEthiopia.

Veruzhinji munyika vane maonero akasiyana nemashandiro akaita VaMugabe apo vaive vakabatana matomu eAU.

Vazhinji muhurumende pamwe nebato ravo reZanu PF vanoti VaMugabe vakabata basa nemazvo uye vakamirira Africa zvakasimba panyaya dzekurwisa hondo, nyava dzekuona kuti Africa yawana chouviri pazviwanikwa zvayo pamwe nekutiwo Africa yawanawo chinzvimbo chiri permanent musangano repasi rese reUnited Nations.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi veruzhinji, pamwe nevemamwe mapato anopikisa munyika vanoti husachigaro hwaVaMugabe kuAU hawuna chahwakabatsira nyika.

Amai Christine Sekerani vanoti nzendo dzaVaMugabe vachiita basa reAU dzaitovakanganisa kuti vagadzire matambudziko akatarisana nenyika.

Mutauriri webato rinopikisa rePeople’s Democratic Party, VaJacob Mafume, vanotiwo hapana zvavakawana kubva kuchigaro chaVaMugabe kuAU.

VaByron Mutingwende vanoti VaMugabe vangadai vakashandisa chinzvimbo chavo sachigaro weAU kukwezva vemabhizimisi kuti vauye munyika , uyewo kugadzirisa hukama hwavo neAmerica apo pakashanya mutungamiriri wenyika iyi, VaBarack Obama, muAfrica gore rapera.

Asi mukuru wevamiriri venyika dzemuAfrica muZimbabwe, VaMawampanga Mwana Panga , vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti VaMugabe vakshanda zvikuru kukwezva mutungamiriri weChina kuAfrica avo vakavimbisa kutsigira Africa nemabhiriyoni makumi matanhatu emadhora pamusangano wakavakaita nevamiriri venyika dzemuAfrica kuSouth Africa gore rapera.

Asi mutauriri webato rinomirira MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaKurauone Chihwayi, vanoti VaMugabe vakatadza kupenda hondo nekurwisana kuri munyika zhinji muAfrica.

Asi imwe nhengo yevechidiki mubato reZanu PF, VaTongai Kasukuwere, vanoti VaMugabe vakaita basa ravo vachiti nyaya yeBurundi inonetsa sezvo nyika iyi iri kutoramba kuti AU itimure masoja kunyika iyi.

Mumwe murairidzi wepaGreat Zimbabwe University, VaJoel Mukusha, vanoti kunyange hazvo paine vamwe vanoti VaMugabe havana zvavakaita sasachigaro weAU, maoenero avo ndeekuti vakaita basa guru chose.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi, VaMasimba Kuchera, vanoti hapana chaifanira kunyanyotarisirwa kubva kuna VaMugabe nekuti hapana zvizhinji zvinoita nemunhu anenge ari sachigaro weAfrican Union.

Asi vatiwo pfungwa dzaVaMugabe dzekuti vanhu vemuAfrica vabatsirikane nezviwanikwa zvemunyika dzavo dzakanaka chose.

Nyanzvi munyaya dzematomgerwo enyika dzinoti VaMugabe, avo vange vachigaropomerwa mhosva yekubira sarudzo pamwe nekutyora kodzero dzevanhu, ndivo vakanyanyobatsirika chose nekusarudzwa kuti vaite sachigaro weAU sezvo izvi zvakaita kuti vaonekwe semunhu akachena.

VaClaris Madhuku vesangano rePlatform for Youth Development vanoti kuve sachigaro weAU zvinoita kuti upihwe ruremekedzo nenyika dzose dzemuAfrica nepasi rese.

Vatungamiriri wemuAfrica vanotambidzana husachigaro hweAU gore rega rega uye VaMugabe vari kutambidza husachigaro uhwu kuna VaIdris Derby vekuChad pamusango uri kuitirwa kuEthiopia.

XS
SM
MD
LG