Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoramba Yakanangana neKuendesa EU kuMatare


Kunyange hazvo sangano reEuropean Union, EU, svondo rapera rakabvisa vanhu vanosvika makumi mashanu nemumwe pamwe nemakambani evanhu vanodyidzana nebato reZanu PF kubva pazvirango zveupfumi nezvekufamba, muchuchisi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, vanoti havasi kuzodzokera shure nedanho ravanga vatora rekukwidza kumatare E-U kuti ibvise zvirango zvavati zvakatemerwa nyika zvisiri pamutemo.

Sangano iri rakabvisa pazvirango vanhu vanosanganisira mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, pamwe nemushakabvu VaSolomon Mujuru, avo vaimbowe mukuru wemauto, uye nemakambani makumi maviri.

VaTomana vanoti chaita kuti vaenderere mberi nedanho iri ndechekuti pachine vanhu vanodarika zana negumi, vanosanganisira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachiri pasi pezvirango zveEU.

Vanotiwo sangano iri kana richida kudyidzana zvakanaka neZimbabwe rinofanirwa kuita zvinhu muchokwadi.

Mukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaAbel Chikomo, vanoti nekuramba kodzero dzevanhu dzichityorwa kuri kuitika munyika, havaoni danho raVaTomana iri riine charinopundutsa.

XS
SM
MD
LG