WASHINGTON —
Muimbi ane mukurumbira munyika, Oliver Mtukudzi, ari kuridza mimhanzi yake mu Washington DC muAmerica nemusi weChishanu.
Mtukudzi ari kuuya ku America aine chimbo chitsva chanetsa mazuva ano chinonzi Matitsvata.
Mtukudzi, uyo akaita hurukuro nekambani yenhau yeCNN mukupera kwesvondo, anoti haasi kurwara nezviri kufungidzirwa nevanhu kuti ane HIV/AIDS.
Mtukudzi akaudza CNN kuti akatanga kushanda munyaya dze HIV/AIDS mushure mekurasikirwa nehama neshamwari, kusanganisira mukoma wake, pamwe nevanhu vaaishanda navo.
Maneja waMtukudzi,VaSam Mataure, vanoti Mtukudzi achashanyira zvakare nzvimbo dzakaita seNew York, Boston ne Philadelphia.