Vaimbove sachigaro veZanu Pf mudunhu reMashonaand West, VaTemba Mliswa, vawanikwa vasina mhosva panyaya yavaipomerwa yekuba nekuwanikwa vaine zvombo zvisiri pamutemo.
Vachitura mutongo mutongi wedare muChinhoyi neChina, VaFelix Mawadza, vati VaMliswa havana mhosva yekuba pamwe nekuwanikwa vaine zvombo zvitanhatu papurazi ravo reSpring pedyo neguta reKaroi.
VaMawadze vati hurumende haifanirwe kuvimba nehufakazi hwevaimbove mushandi waVaMliswa, VaSteadfine Mashiri, sezvo ivo vaipomerwa pamwe naVa Mliswa panyaya iyi.
Vati dare rarasa hufakazi hwaVa Mashiri zviri pamutemo sezvo mutemo uri pachena kuti hufakazi hwemunhu achipomera munhu waanofungidzirwa kuti akapara mhosva naye haufanirwe kutambirwa nematare.
Izvi vanoti zvabva zvasiya hurumende isina humboo hunosungirira VaMliswa panyaya iyi.
Vachitaura mushure mekuwanikwa vasina mhosva VaMliswa vati mutongo uyu unoratidza kuti matare edzimhosva vachiri kuita basa ravo nemazvo.
Izvi zvatsigirwa negweta raVaMliswa VaMusindo Hungwe, avo vati hurumende yanga ichingoumbiridza nyaya pasina.
VaMliswa vashoropodza mapurisa kuti vasashandiswe nevanoita zvematongerwo enyika sezvo zvichisvibasa zita renyika.
VaMliswa vanga vachipomerwa mhosva yekuba zvombo zvitanhatu kuMhangura papurazi reSomerhill muna 2007 vakaenda nazvo kupurazi ravo uko vaizvichengeta.
Asi VaMliswa vanga vachiramba mhosva idzi vachiti vanhu vezvematongerwo vakabuda nenyaya dzekunyepa.
VaMliswa vari kukwikwidza musarudzo ye by election iri kuitwa kuHurungwe West, uko kuri kuitika mhirizhonga, vose vanofungidzirwa kuti vanotsigira VaMliswa, vari kuoneswa chitsvuku nenhengo dzeZanu PF.
Izvi zvinotevera kurudziro yakaitwa negurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo, yekuti vose vanotsigira VaMliswa vadzingwe mudunhu iri.
Mashoko aVaChombo ari kushorwa zvikuru nemasangano anoona nezvekodzero dzevanhu.