Masangano eZimbabwe National Statistical Agency kana kuti Zimstats pamwe ne United Nations Population Fund , UNPFA, aparura neChitatu gwaro rinoratidza kuti huwandu hwevana vari kuzvarwa munyika hwadzikira mukati memakore makumi matatu apfuura uye mhuri zhinji dzave kuita vana vashoma kana zvichienzaniswa nakare.
Gwaro iri rakanyorwa zvichitevera ongororo yezvakabuda mukuverengwa kwakaitwwa vanhu muna 2012, uye rinoratidza kuti huwandu hwevana vanozvarwa hwadzikira nemwana mumwe nechidimbu uyewo rinoti vanhu vazhinji vava kuita vana vasingapfuure vana.
Imwe nyanzvi yakaita onongororo iyi, Muzvinafundo Marvelous Mhloyi vepaUniversity of Zimbabwe, vanoti ongororo yavo yakaratidza kuti vakadzi vechidiki nanamai vati kurei ndivo vari kunyanya kuzvara vana.
Vanoti izvi ndizvo zvinoita kuti vana vakawanda nanamai vacho vafe.
Muzvinafundo Mhloyi vanoti huwandu hwevana vanozvarwa munyika haufaniri kuramba huchiderera sezvo izvi zvichizokonzera kuti pave nevanhu vakwegura vakawanda uye pachizoshaya anovariritira.
Vanotiwo chinoita kuti vakadzi vechidiki vaite vana vakawanda inyaya yekuti vanoroorwa nevarume vechikuru zvikuru sei vaye vanenge vakafirwa kana kurambana nevakadzi vavo.
Zvimwewo zvabuda muongororo iri ndezvekuti pavana vanozvarwa, vazhinji vavo vave kurarama kana zvichienzaniswa nakare.
Mukuru weZimstats, VaMutasa Dzinotizei, vanoti zvabuda muongororo iyi zvakakosha kune vemuhurumende nemasangano ebudiriro zvikurusei apo vanenge vachironga zvirongwa zveramangwana.
Mukuru weUNPFA muZimbabwe, VaTidiane Cisse, vanotiwo ongororo iyi yabuda apo nyika iri kuita mabasa ebudiriro akawanda akaita sekuvandudza hupfumi pasi peZimbabwe Agenda for Sustainable Socio-Economic Transformation.