HARARE —
Dare remakurukota ebato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai raita musangano waro wekutanga gore rino neChina apo rati zvinhu zviri kuramba zvichishata munyaya dzehupfumi izvo zviri kuwedzera kutambura kwevana veZimbabwe.
Vachitaura neStudio7 mushure memusangano wedare iri, uyo wange uchitungamirwa naVaTsvangirai, mutauriri wedare iri, VaNelson Chamisa, vati zvinhu zviri kuramba zvichishata nekuti hurumende iripo iri kushaya rutsigiro kubva kune veruzhinji, vemabhizimi nedzimwe nyika nekuti yakasarudzwa zvisina kujeka.
Vati matambudziko ekushaikwa kwemari munyika, kuvhara kwemakambani akawanda, pamwe nekurasikirwa nemabasa kuri kuitwa nevanhu vakawanda, kunogona kupera chete kana nyika ikaita sarudzo dzakachena.
VaChamisa vati imwe nyaya yavazeya inyaya yekutadza kwehurumende kubhadhara vashandi vayo mari dzinoita kuti munhu ararame zvakanaka vachiti izvi zvinoreva kuti haina hany’a nevashandi ava.
Vakurudzira hurumende kuti itambirise vashandi vayo mari dzinovafadza kuitira kuti vashande vakafara vachiti izvi zvinoita kuti nyika ibudirire.
Pari zvino hurumende iri munhaurirano nevashandi vayo pamusoro pemari dzemihoro uye zvikwata zviviri izvi zvinotarisirwa kubuda nechisungo neChishanu.
VaChamisa vatiwo dare ravo raratidza kusafara nemagariro ari kuita veruzhinji munyika zvikuru sei vanoshaya, vakwegura pamwe nevanoraramna nehurema vachiti hurumende iri kutadza kuriritira vanhu ava.
Vatiwo zvinosuwisa kuti hurumende iri kutadza kubhadhara mari yechikoro yevana miriyoni vanobva kumhuri dzinoshaya vachiti izvi zvinokanganisa remangwana renyika.
VaChamisa vaenderera mberi vachiti dare ravo rashora huwori huri mumakambani ehurumende pamwe nemakanzuru vakakurudzira mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vatore matanho ekuona kuti vese vanoita huwori vasungwa.
Vatiwo VaMugabe vanofanira kutora matanho nemakaurukota avo vachiti zviri pachena kuti makurukota avo anoziva huwori huri kuitaika mumakambi ehurumende uye anenge ane chaanowana kubva pane zviri kuitika mumakambani aya.
Vati zviri kuhurumende yeZanu PF kutambira mazano ebato ravo vachiti apo vashandira pamwe muhurumende yemubatanidzwa, zvinhu zvainge zvave nane pane zvazvave hurumende yeZanu PF iri yega.
Makurukota ehurumende haasati asangana gore rino sevzo mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vachiri pazororo.
Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.
Hatinawo kukwanisa kutaura nemutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, kuti tinzwe divi ravo sezvo munhu ange achidaira mbozhanhare yavo, ati vange vari mumusangano.