Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vorumbidza VaMuchineuta "Okollo" Pakuvigwa Kwavo kuBuhera


Vakange vari mumwe wevachangetedzi wemutungamiri we MDCT, Va Morgan Tsvangirai, Va Benson Muchineuta, varadzikwa kumusha kwavo ku Buhera neChina.

Vachitaura pakuradzikwa kwaVa Muchineuta mubhuku rekwa Hande ku Buhera nhasi, mutungamiri we MDCT, Va Morgan Tsvangirai, vati varwadziwa zvikuru nekushaya kwaVa Muchineuta avo vanga vachizivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Okollo.

Va Tsvangirai vati chiri kunyanya kuvarwadza ndechekuti Okollo atisiya zvizvarwa zve Zimbabwe zvisati zvawana hutongi hwejekerere huri kurwirwa ne MDC. Va Tsvangirai vati Va Muchineuta ndevamwe vevakavamba MDC nechinangwa chekuti veruzhinji vagare zvakanaka.

Vati chavakurwadza ndechekuti hupenyu hweveruzhinji hwavakuoma zvakare zvichitevera kubirira kwavanoti kwakaitwa sarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru naVa Robert Mugabe nebato ravo re Zanu PF.

Va Tsvangirai vatsanangura mushakabvu semunhu akanga akashinga zvikuru uye akaramba akatsungirira zvisinei nekushungurudzwa kwavati akaitwa ne Zanu PF kubva pakavambwa MDC muna 1999.

Mumwe aishanda nemushakabvu muhofisi maVa Tsvangirai, Va Washington Gaga, vatiwo Okollo asiya gwanza rakakura kwazvo ravati richanetsa kuvhara.

Muzukuru wemufi uyo anga achitaura akamirira mhuri yekwa Muchineuta, Va Alwin Maingehama, vati mhuri yavo yatorerwa chipangamazano nemusoro wemusha.

Va Muchineuta, avo vanga vave nemakore makumi mana nemana ekuberekwa, vakafira ku Harare nemusi we Muvhuro mushure mekurwara kwenguva pfupi uye vasiya mudzimai nevana vakawanda.

Vamwe vanga varipo pakuradzikwa kwaVa Muchineuta vanosanganisira mutauriri we MDCT, Va Douglas Mwonzora, pamwe naVa Giles Mutsekwa avo vaimbova gurukota rinowona nezvekuvakwa kwedzimba
XS
SM
MD
LG