Mutungamiriri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change, VaMorgan Tsvangirai, vaparura zvekare neChishanu bepanhau rebato ravo rinonzi The Real Changing Times.
Bepanhau iri richange richiburitsa nyaya dzebato ravo zvakazara sezvo nhau dzebato ravo dzisiri kuburitswa mumapenhau ehurumende akaita seHerald.
Vachiparura bepanhau iri pamuzinda webato ravo weHarvest House, VaTsvangirai vati bepanhau iri richatanga richibuda kamwe chete pamwedzi, uye richange richipihwa vanhu pachena mumatunhu ese munyika.
Vati richange richibvumira vatapi venhau kuburitsa nhau sezvazviri.
Munyori mukuru webato iri, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studio 7 kuti zvaitwa naVaTsvangirai zvakanaka chose.
VaTsvangirai vashora mashoko ekushoropodza vatapi venhau akataurwa nemukutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mudzimai, Amai Grace Mugabe, pamwe nemutauriri wavo, VaGeorge Charamba, vachiti izvi zvinoitwa chete nevanhu vanenge vane zvavanoda kuvanza.
VaTsvangirai vanoti zviri kuitika izvi zvinoburitsa pachena zvavanogara vachitaura kuti mitemo yekutapa nhau inofanira kuvandudzwa kuti ienderane nebumbiro remitemo.
VaMwonzora vanoti vatori venhau vanofanira kuregwa vachiita basa ravo pasina kumbunyikidzwa.
Mumwe wevanorwira kodzero dzevatapi venhau munyika, VaMalvin Mukudu, vanoti zvaitwa neMDC zvakanaka chose uye zvichapa bato iri mukana wekutaura nyaya dzaro sezvarinoda.
Asi VaMukudu vati havawoni bato reMDC richibudirira pahurongwa hwekutanga nhepfenyuro sezvo nyaya dzemasaisai dzakabatwa nebato riri kutonga reZanu PF.
Mumiriri weAmerica muZimbabwe, avo vari kusiya basa, VaBruce Wharton, nezuro vakati vanofara chose kuona kuti vatori venhau muZimbabwe vakabatana zvichitevera kusungwa kwevatapi venhau vekuSunday Mail svondo rapfuura.
Benhau reMDC iri rakambomira kudhindwa muna 2013 uye VaMwonzora vati pari zvino vane mari nezvikwanisiro zvekuti rirambe richibuda kusvika musarudzo dzemuna 2018.
Panyaya yesarudzo VaTsvangirai vati bato ravo rinoramba rakamira nechisungo charo chekuti harisi kuzopinda musarudzo kudzamara mitemo yesarudzo yavandudzwa.
Vashorawo kurohwa kuri kuitwa vatsigiri vebato ravo nenhengo dzeZanu PF vachiti izvi ndozvimwe zvinoita kuti bato ravo risapinde musarudzo dza2018.