Accessibility links

Breaking News

Muchengetedzi waVaTsvangirai VaBenson Muchineuta Vanoshaya muHarare


Vanga vari mukuru anowona nezvekuchengetedzeka muMDCT, uye vari mumwe aiwona nezvekuchetedzwa kwava Morgan Tsvangirai, Va Benson Muchineuta, vashaya neMuvhuro.

Va Muchineuta, avo vanga vachizivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Okollo, vanonzi vashaya mambakwedza mushure mekurwara kwenguva pfupi.

Va Muchineuta, avo vakave mumwe wevanhu vekutanga kuchengetedza Va Tsvangirai kubva pakavambwa MDC muna 1999, vanonzi vashayikira kumba kwavo mumusha we Glen Norah mu Harare.

Mutauriri we MDCT, Va Douglas Mwonzora, vanoti bato ravo rarwadziwa zvikuru nekushayika kwaita Va Muchineuta.

Mutauriri waVa Tsvangirai, Va Luke Tamborinyoka, vatsanangura mufi semunhu aive nehushingi uye ainge akavimbika.

Va Tamborinyoka vanoti Va Tsvangirai, avo vaenda kunobata mawoko kumhuri yemufi, varwadziwa zvikuru nekushayika kwaita Va Muchineuta.

Va Muchineuta vashaya vave nemakore makumi mana nemana ekuberekwa. Va Mwonzora vanoti chinorwadza ndechekuti vaenda kwamupfiganebwe veruzhinji vasati vawana hutongi hwejekere hwavanga vachirwira.

Va Mwonzora vakurudzira vari mubato ravo kuti vabatane kuti varwire shanduko munyika vosiyana nezvekusimudzirana makano vachirwira zvigaro.

Va Muchineuta vakatanga kushanda muMDC pakavambwa bato iri vakaramba vachikwidziridzwa pabasa kusvika vave mukuru anowona nezvekuchengetedzeka mubato iri.

Mufi asiya mudzimai nevana uye akatarisirwa kuradzikwa kumusha kwake ku Buhera ne Chitatu.
XS
SM
MD
LG