Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inoti VaTsvangirai Vakazvidzwa kuMhemberero dzeKuzvitonga naVaShamu


Bato reMDC inotungamirwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, rinoti harisi kufara nemafambisirwo akaitwa basa nevaikokera hurongwa hwemhemberero dzekusvitsa makore makumi matatu nemaviri nyika yawana kuzvitonga, uye vari gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaWebster Shamu.

MDC inoti VaShamu vakazvidza hofisi yemutungamiri wehurumende sezvo vasina kuzivisa veruzhinji pakasvika mutungamiri wehurumende kunhandare kwaiitirwa mhemberero idzi.

Mutauriri webato iri, VaDouglas Mwonzora, vanoti VaShamu vakatadza basa ravo rekufambisa basa remhemberero.

VaMwonzora vanoti VaShamu vakatorawo mukana uku kunyomba mamwe mapato, zvikuru bato ravo reMDC-T, apo vakanga votsinhira zvakanga zvataurwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Vanotiwo bato ravo richakwidza nyaya iyi kumusoro kuitira kuti VaShamu vatsiurwe kana kutorerwa matanho.

VaShamu havana kuwanikwa kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti havana ruzivo nezvataurwa neMDC sezvo VaTsvangirai vakasvika ivo vasati vasvika, uye vati kana chiitiko ichi chakatora nzvimbo zvechokwadi, vane hurumbo nazvo.

Asi VaGumbo vanoti semaziviro avo, vanyarikani kubva kumapato ose vakaziviswa pavaisvika pamhemberero idzi, zvisinei nekuti ndevebato ripi.

XS
SM
MD
LG