Accessibility links

Breaking News

Dare reMakurukota Rozeya Rusarura Rwuri Kuitwa paChikafu


Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti rakwidza kudare remakurukota nyaya yekunyimwa kwenhengo dzaro chikafu nevebato reZanu PF, avo rinoti vari kuzviisa pamberi pakugova chikafu ichi.

Bato iri rinoti chikafu chiri kubva kuhurumende chinofanirwa kunge chichipiwa munhu wese anokodzera. Asi bato reZanu PF rinonzi rava kushandisa chikafu ichi sechombo chekudzvanyirira nacho nhengo dzemamwe mapato.

Nyaya iyi yanzi yakonzera kupesana kukuru mudare remakurukota, iro ranzi ratuma komiti yaro inoona nezvechikafu kuti ione kuti chikafu hachishandiswi munyaya dzezvematongerwo enyika.

Vane ruzivo nezvenyaya iyi kubva kumapato eMDC neZanu PF vaudza Studio7 kuti nyaya iyi yatora nguva huru kwazvo ichizeyiwa nemakurukota. Dare iri rakurudzira komiti inoona nezvechikafu iyi kuti idzoke neongororo yayo nekukasika.

Mutevedzeri wegurukota rezvekurima, VaSeiso Moyo, vaudzawo bepanhau reDaily News kuti bazi ravo riri kutambira zvichemo zvakawanda kwazvo zvevanhu vari kunyimwa chikafu nekuda kwemapato avanotsigira.

Hurumende yakazivisa kuti matunhu mashanu kubva mugumi ari munyika ane nzara inotyisa uye anofanirwa kupiwa rubatsiro rwehurumende.

Asi zvikwata zvakaita ongororo yenzara zvinoti nzara iriko gore rino ichabata matunhu akawanda kudarika mashanu akataurwa.

Nyika inoda matani mamiriyoni maviri echibage pagore, asi mwaka uno nyika iri kutarisirwa kukohwa chibage chinosvika matani miriyoni imwe chete.

Gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, vakazivisa kuti nyika ine chibage chinosvika matani mazana mana ezviuru mudura.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studio7 kuti bato ravo riri kukurudzira vanhu vese mumaruwa kuti vasangopeta maoko vachirega vebato reZanu PF richipindira munyaya dzekugoverwa kwechikafu munyika.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Fumbo, vanotiwo bato ravo haringaregi vanhu vachifa nenzara mumaruwa. Vanoti MDC-T yajaira kungochema semwana muduku.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda nesangano reInternational Crisis Group, VaTrevor Maisiri, vanoti bato reZanu PF ragara richishandisa nyaya yechikafu mukutsvaga rutsigiro.

XS
SM
MD
LG