Accessibility links

Breaking News

MDC T Inoti Ine Humbowo Hwekuti VaTsvangirai Vasungwe


Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti rine humbowo hwekuti vasori, vachishanda nemamwe makurukota maviri eZanu PF, vari kuronga kudyara mumahofisi aVaTsvangirai epaCharter House pamwe nekumuzinda webato iri, paHarvest House, magwaro anozoita kuti VaTsvangirai pamwe nevamwe vakuru-vakuru vebato iri, vasungwe.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vanoti bato ravo rakabvundunyura hurongwa uhwu, uhwo hwaizofanirwa kuitwa musi wa 12 Zvita usati wasvika. VaTamborinyoka vanoti magwaro aya aifanirwa kuzowanikwa mumahofisi aVaTsvangirai, izvo zvaizoita kuti vasungwe, uye hurumende yemubatanidzwa iparare, kwoitwa sarudzo.

VaTamborinyoka vanoti MDC pamwe naVaTsvangirai vachatora matanho akakodzera ekudzivirira zviitiko zvakadai kuti zvisaitike mune ramangwana.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vanotiwo kana pachitariswa nhoroondo yezvematongerwo enyika muZimbabwe, mashoko eMDC T aya haagoni kutorwa semanyepo.

XS
SM
MD
LG