Accessibility links

Breaking News

Demo Rosimudzirwa VaKay muMDC-T kuMashonaland East


Hutungamiri hwebato reMDC-T kuMashonaland East hwasvitsa neChitatu matsamba ekukurudzira komiti yepamusoro yebato inoona nezvekufambiswa kwemabasa kuti itambire chisungo chedunhu iri chekuti VaIan Kay vadzingwe mubato iri.

Va Kay vanonzi vakataura mashoko ekuti mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, vachibva pahutungamiri hwebato iri sezvo vari kuramba vachikundikana musarudzo.

Mutauriri webato iri kuMashonalanda East, VaGraham Nyahada, vanoti komiti yakasarudzwa nedunhu ravo yekuongorora nyaya yaVaKay ikavabata nemhosva yekuzvidza hutungamiriri hwebato ikavapa mutongo wekuti vambomiswa kumirira bato iri kwemakore mashanu.

VaNyahada vanoti nhengo dzese dze standing committee yebato iri dzapihwa matsamba ane mutongo uyu nechikumbiro chedunhu ravo chekuti vatambire mutongo uyu.

Vati vanotarisira kuti nyaya iyi ichanzikwa svondo rinoouya.

VaKay vanoti ichokwadi kuti vakamiswa pamberi pekomiti yeMDC, uye vanzwa kuti pane tsamba yaendeswa kumuzinda weMDC ichikurudzira kudzingwa kwavo mubato.

Asi vanoti ivo havana kuona tsamba iyi uye vati vacharamba vachishandira bato zvisinei nezvaitika izvi.

Pasi pebumbiro rebato iri, mitongo inopihwa kumatunhu inoshanda chete kana ichinge yatambirwa ne national disciplinary committee iyo inotanga yaferefeta nyaya iri mudariro, yozopa standing committee zvainenge yawana
.
VaNyahada vanoti nhengo dzeMDC-T kuMashonaland East dzinotsigira hutungamiri hwaVa Tsvangirai uye kana paine anoda kuvabvisa, anofanirwa kumirira kongiresi iyo ichaitwa muna 2016.

Mwedzi miviri yapfuura, VaKay vakabuda mune rimwe bepanhau vachiti murairidzi webhora anofanira kuchinjwa kana timu yake ikaramba ichukundikana.

Vakawanda muMDC vanoti izvi zvainge zvakanangana naVaTsvangirai avo vari kutungamira bato reMDC riri kuramba richikundikana musarudzo.

Kunze kwaVa Kay, pane vamwe vakuru vakuru mubato vakaita semubati hwehomwe, VaRoy Bennett, nenhengo yenational executive, VaElias Mudzuri, vakapawo pfungwa dzavo pachena pazvinhu zvinofanirwa kuitwa nebato kuitira kuti rifambire mberi.

Bato reMDC rinoti nyaya iyi inofanira kutaurwa chete pachishandiswa gwara remusangano kwete mumapepnhau kana mudzinhepfenyuro.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti MDC kana riri bato rinogara rakashora kumbunyikidzwa kwepfungwa dzevanhu ne Zanu PF, rinofanirwa kutambira pfungwa dzenhengo dzaro senzira yekusimbaradza hutongo hwejekerere.

Nyanzvi idzi dzinotiwo MDC ikatambira kutaurwa kwepfungwa dzenhengo dzayo pasina anombunyikidzwa, bato iri rinogona kubuda rakasimba kudarika zvariri, izvo zvinozoita kuti ritore chigaro chemasimba munyika.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG