Accessibility links

Breaking News

MDC Inodzinga Mubato Makanzura Ayo Ose muChitungwiza neNyaya yeHuorii


MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti yadzinga mubato makanzura ayo ose ari muguta reChitungwiza nekuda kwenyaya yehuori uye kusateerera kurudziro yebato yekuti makanzura aya adome munyori wezvekurima mubato iri, Doctor Vincent Gwaradzimba, sameya weguta iri.

Asi makanzura aya akadoma Alderman Philimon Chipiyo sameya weguta iri mutsva, izvo zvinova zvakatsamwisa vakuru veMDC.

MDC inotiwo ongororo yayakaita yakaratidza kuti makanzura eChitungwiza anga achiita zvehuori, izvo zvakapa kuti hutungamiri hwebato hudzinge makanzura aya.

VaTsvangirai mbune neChina vakaita musangano nevagari vemuChitungwiza vachivaudza nezvedanho ratorwa nebato ravo.

Kudzingwa kwevanhu ava kunotevera misangano yehutungamiri hwe national council ne national executive yebato iri.

Pasi pemitemo yekutongwa kwemaguta, MDC inofanirwa kuzivisa gurukota rezvekutongwa kwemaguta nematunhu, VaIgnatius Chombo, kuti makanzura adzingwa mubato aya, haachamirira MDC mukanzuru yeChitungwiza.

Izvi zvinogona kureva kuti panenge pava kufanirwa kuitwa sarudzo itsva yekutsvaga makanzura achange achimirira mapato, kanawo makanzura anenge akazvimirira sezvo vanga varipo vakapinda netiketi reMDC.

Asi izvi zvinogona kunetsa sezvo muhurumende yemubatanidzwa musina kuwirirana pakati peMDC neZanu PF. Kusawirirana uku kunogona kupa kuti VaChombo vazvuve makumbo avo kana MDC yavapira nezvekudzinga kwayo mubato makanzura aya.

Pari zvino hapana chinotadzisa makanzura aya kuenderera mberi nebasa rawo sezvo akasarudzwa nevanhu veruzhinji kunyange hazvo akashandisa zita rebato musarudzo dzemakanzura.

MDC yanga iine makanzura makumi maviri nemana, kanzura mumwe chete ari weZanu PF.

Mutauriri weMDC, Nelson Chamisa, vanoti vanhu vanenge vaita zvehuori vachishandisa zita rebato vanenge vadya mutupo nekudaro vanodzingwa mubato.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remakanzura adzingwa mukanzuru yeChitungwiza.

XS
SM
MD
LG