Accessibility links

Breaking News

Mauto Osimbaradza Hukama neZanu-PF neKupinza Basa veChidiki kuMaruwa?


Zimbabwe National Army, iyo yakambozivisa kuti yambomisa kupinza vanhu mabasa sezvo pakanga pasina mari, inonzi yatanga kuita izvi apo nyika yatarisana nesarudzo dziri kunzi neZanu-PF dziitwe gore rino.

Gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakazivisa gore rapera kuti ZNA yange yamisa nyaya yekutora mamwe mauto nekushaya mari uye nekuda kwekuti Zimbabwe haisi muhondo.

VaMnangagwa vakati mauto ainge achizodzikiswa kubva pazviuru makumi mashanu nezvishanu kusvika pazviuru makumi manomwe.

Asi svondo rino, mumwe mukuru kumauto, Major General Martin Chedondo, vakazivisa kuti vari kuparura chirongwa chekupinza muchiuto vechidiki zvikuru kumaruwa kunyange vasina zvidzidzo zvakakwana kana miviri yakagwinya sezvinodiwa nemitemo yechiuto.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti vakuru vemauto pasi peJoint Operation Command, ndivo vakaparura chirongwa chekusimbisa mauto zvikuru kumaruwa vaine chinangwa chekuda kutsvagira Zanu-PF rutsigiro.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti hurongwa uhu hwakatotanga muchiuto muna Ndira.

Kunyange hazvo mamwe mauto ari kupinzwa mabasa, zvinonzi mumabharaki hamuna chikafu chakakwana pari zvino zvopa kuti vamwe vamanikidzwe kuenda pazororo kwenguva yakareba.

Zvinonziwo mumauto hamuna mufaro zvopawo kuti vamwe vanhu vakawanda vatize basa, vamwe vachikurumidza kuenda pamudyandigere, sezvo mari dzavari kupihwa dziri shoma uye zvichinzi manyanyawo nyaya dzezvematongerwo enyika.

Kugunun’una kwakanyanya uku kunonzi ndiko kwopa kuti vakuru vemauto vapinde mumaruzevha mune vavanofungidzirwa kuti vangangoite zvido zvavo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaPedzisayi Ruhanya, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro soro paWestminster Unversity kuLondon, vanoti mauto ari kunyanya kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika zvisingabvumirwe nemitemo yenyika.

XS
SM
MD
LG