Accessibility links

Breaking News

Vanoita Mabasa eMaoko kuMasvingo Voda Rukudzo Kubva kuHurumende


Masvingo residents
Masvingo residents

Sangano rinomirira vanoita mabasa emaoko, reZimbabwe Chamber of Informal Sector Association, rinoti hurumende inofanirwa kukoshesha mabasa emaoko sezvo ari iwo mabasa akabata nyika pari zvino.

Munyori mukuru we Zimbabwe Chamber of Informal Sector Association, Va Wisborn Malaya, vanoti hurumende inofanirwa kushanda zvakanaka nevanoita mabasa emaoko sezvo vari ivo vari kusimudzira hupfumi hwenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMalaya vanoti pari zvino hurumende haisi kukoshesha mabasa emaoko, kunyange hazvo mabasa aya ari iwo akabata nyika zvichitevera kuvharwa kwemakambani akawanda.

VaMalaya vanoti tsvakiridzo yavakaita yakaburitsa pachena kuti pane vanhu vanosvika mamiriyoni manomwe munyika vanoita mabasa emaoko.

VaMalaya vanoti vanhu vari kushanda mabasa emaoko vari kusangana nezvinetso zvakawanda munyika, izvo zvinosanganisira kusungwa nemapurisa.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano iri, Va Elaijah Mutemeri, vanoti hurumende yakakurudzirwa nesanganao revashandi repasi rose re International Labour Organisation pasi pechisungo chesangano iri icho chinoti nyika dzemu Africa zhinji dzazara revanhu vanoita emabsa emaoko .

Chibvumirano ichi chinokurudzira hurumende kuti dzichikoshesa mabasa aya uye dzimaenzanise nemamwe mabasa akaita seemumahoisi ayo ane zvikwanisiro zvose uye anoshandwa zvakanaka.

Studio seven haina kukwanisa kubata gurukota rinona ne zvemamabasa emaoko, Amai Stembiso Nyoni, kuti tinzwe kuti hurumende iri kuitiei mukuvandudzwa kwemabasa emaoko kuitira kuti ave nechiremera.

XS
SM
MD
LG