Accessibility links

Breaking News

Mashoko Anotaura Pamire Hurumende yeAmerica Pakudyidzana neSudan


Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaMike Pompeo
Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaMike Pompeo

Mashoko anotevera anotaura pamire hurumende yeAmerica pakudyidzana kwayo neSudan.

Muna 1993, mushure mekunge zvaonekwa kuti hurumende yeSudan yaicdyidzana nevanopfurikidza mwero kusanganisira aive mukuru wechikwata cheAl Qaida Osama Bin Laden yakaiswa panyika dzakatemera zvirango neAmerica zvinopa kuti iite seyakageza munyama pasi rose sezvo pasina kana nyika nevanhu vanenge vouya kuzotanga mabhizimisi.

America inenge isingapewo nyika dzatemerwa zvirango rubatsiro uye inokurudzirawo kuti mabhanga anokweretesa mari akaita seInternational Monetary Fund neWorld Bank asadzipe zvikwereti.

Nyaya yekutemerwa zvirango iyi yakapa kuti Sudan ikwanise kuendeswa kumatare nevanhu vanenge vaine hama dzainge dzaurayiwa nevanopfurikidza mwero vaendese hurumende iyi kumatare.

Nekuda kwenyaya iyi, matare emuAmerica akatura mutongo wekuti Sudan iripe mhuri gumi nenomwe dzakaurayirwa hama pamizinda yeAmerica kuTanzania neKenya muna 1988 uye pakambombwa imwe ngarava yehondo kuYemen.

Muna 2019, vanhu vemuSudan vakapidigura hurumende yavo zvakapa kuti vatungamiri vatsva vabvume kuripa mari inosvika mamiriyoni mazana matatu nemakumi matatu nemashanu kana kuti 335 million yekuripa mhuri idzi.

Muna Zvita gore rapera, America yakatenda kubvisa Sudan panyika dzinodyidzana nevanopfurikidza mwero. Musi wa 28 Zvita gore rapera, America yakabva yatanga kugadzira hwaro hwekudyidzana zvekare neSudan.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaMike Pompeo vakatenda hurumende itsva yeSudan nekusarudza nzira yerunyararo uye kubatana nedzimwe nyika.

Mashoko aya anotaura pamire hurumende yeAmerica pakudyidzana neSudan.

Mashoko anotaura pamire hurumende yeAmerica pakudyidzana neSudan
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG