Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Votsvaga Hutungamiri Hutsva Svondo Rinouya


Komiti yavana chipangamazano musangano rinomirira vashandi vehurumende, reApex Council, yasangana muHarare ikasunga kuti bumbiro remitemo reApex Council rivandudzwe kuitira kuti patevedzwe mutemo pakusarudzwa kwehutungamiri hutsva.

Izvi zvinotevera kuramba kwakaita masangano anoti reTeachers Union of Zimbabwe, TUZ, neProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, kutambira Amai Cecilia Alexander sasachigaro mutsva, kunyange hazvo vaibva kusangano rePublic Service Association, PSA, iro rakanga rave iro raifanirwa kutora husachigaro.

Masangano aive nhengo dzeApex Council akanga akawirirana kuti hutungamiri huitwe madzoro, asi kubva pakapera temu yekomiti yaitungamirwa naAmai Tendai Chikowore veZimta, mamwe masangano akaramba Amai Alexander vachiti sezvo vaive mukomiti yaMai Chikowore, zvakanga zvisingaiti kuti vadzokezve vave sachigaro.

Asi bumbiro remitemo reApex Council rinobvumidza nhengo dzekomiti yanga iripo kuti dzikwikwidze zvakare musarudzo.

Komiti iyi yawiriranawo zvakare kuti komiti itsva ichazosarudzwa ndiyo ichasunga nezvenyaya yekuramwa mabasa kungangoitwa nevashandi vehurumende.

Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vaudza Studio7 kuti musangano wavo wafamba zvakanaka chose uye vawirirana kuti patewedzerwe bumbiro remitemo, kwete zvemadzoro zvanga zviripo.

Mukuru weTeachers Union of Zimbabwe, VaManuel Nyawo, vatiwo vanotambirao danho rasungwa sezvo richipa mukana wekuti vanhu vatewedzere gutsaruzhinji.

Munyori mukuru wePublic Service Association, VaEmmanuel Tichareva, avo vane sangano raifanirwa kunge rakapiwa husachigaro, vati sangano ravo ratambira zvasungwa mumusangano uyu nemaoko maviri.

Mukuru weZimta, VaSifiso Ndlovu, vatiwo izvi zvinopa mukana kune vanga vari muhofisi kuti vasarudzwe zvakare kana vachidiwa nevanhu.

XS
SM
MD
LG