Accessibility links

Breaking News

Masangano eVadzidzisi Opesana Pakuramwa Mabasa


Sangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti PTUZ, rinoti varairidzi vatambira kurudziro yaro yekuti vaende kumabhanga kunotora mari dzavo, kuitira kuti vagopinda mukuramwa mabasa kutanga Chitatu.

Sangano iri rinoti varairidzi vanosvika zvikamu makumi manomwe kubva muzana havana kuenda kuzvikoro neChipiri, chinova chiratidzo chekuti hurongwa hwekuramwa mabasa hwatotanga.

PTUZ inoti iri kuda kuti hurumende iwedzere mari dzinotambirwa nevarairidzi. Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti hurongwa hwavo hwekuratidzira hwatotanga nekuti varairidzi vaenda kunotora mari dzavo kumabhanga havana kuzodzokera kubasa.

Ukuwo sangano reNational Association For Primary School Headmasters rinoti ratambira tsamba kubva kuZimbabwe Teachers Association, ichikurudzira vadzidzisi kuti vasaramwe mabasa.

Mukuru weZIMTA, VaSiphiso Ndlovu, vanoti sangano ravo harisi kukurudzira vadzidzisi kuti varamwe mabasa.

Asi vamwe vadzidzisi vanoti kunyange hazvo PTUZ yakakurudzira kuramwa mabasa neMuvhuro, vazhinji vavo vaenda kumabasa sezvo vari kutyira kuti mhuri dzavo dzingaziye nenzara.

Vamwe vadzidzisi vanonzi vari kuwana mari iri pakati pemakumi mana emadhora nemazana matatu emadhora kubva kuvabereki semari yekuti varambe vachidzidzisa vana vechikoro. Iyi imari iri pamusoro pemari dzavanotambiriswa.

Mari idzi dzinonzi ndedze ma incentives, idzo dziri kuita kuti pasave nekuwirirana pakuramwa mabasa.

Mumwe mudzidzisi wemuHighfields muHarare anoti varairidzi vanofanirwa kubhadharwa mari dzinovakwanira.

XS
SM
MD
LG