Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inowana Rubatsiro Kuti Ichekeredze Varume


Sangano rinomirira kuwanikwa kwemishonga nevanhu vanorarama neHIV-AIDS re Pan Africa Treatment Access Movement, PATAM, rinoti riri kufara zvikuru nechirongwa chiri kuitwa chekuchekeredza kana kuti kudzingiswa kwevanhurume, uko kunozivikanwa muchirungu nerekuti male circumcision. Kudzingiswa kana kuti kuchekeredzwa kuchekwa kweganda repamberi panhengo yechirume.

Chirongwa ichi chiri kutungamirwa nebazi rezvehutano, richishanda rakabatana nemasangano anosanganisira Population Services International mukuyedza kudzivirira kupararira kweHIV.

Studio7 haina kukwanisa kutaura negurukota rezvehutano, VaHenry Madzorera, kuti tinzwe pasvika chirongwa chavo.

Zvinonzi hurumende ine chinanagwa chekuti varume vari pakati pemakore gumi nemashanu nemakore makumi mana nemapfumbamwe, vanosvika zvikamu makumi masere kubva muzana, vanofanirwa kunge vachekeredzwa kana kudzingiswa.

Pari zvino varume vanosvika zvikamu gumi kubva muzana muZimbabwe, ndivo chete vakachekeredzwa kana kudzingiswa mitezo yavo yechirume.

Hurumende yeAmerica, kuburikidza nesangano re PEPFAR, yapa nyika zvinhu zvekushandisa zvinosvika zviuru zvishanu, uye zvichikosha miriyoni nechimbu chemadhora ekuAmerica.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano re PATAM, VaTapuwanashe Kujinga, vanoti kunyange hazvo chirongwa ichi chiri kubudirira munyika, dzidziso nemanikiro enyaya dzekudzingiswa, inofanirwa kuwedzerwa sezvo varume vazhinji vasati vava kuziva zvakanakira kuchekwa kweganda repamberi pamutezo wemunhurume.

VaKujinga vanokurudzirawo avo vanenge vachekwa kuti vashandise dzimwe nzira zvekuzvidzivirira kana voita zvepabonde sezvo kudzingiswa kwega kusingadzivirire kutapuriranwa kwe HIV.

XS
SM
MD
LG