Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Anoita Musangano naVaTsvangirai


Vamiriri vemasangano akazvimirira anodarika makumi matatu nemashanu vasangana neChipiri nevatungamiri vemapato vakavaudza nhuna dzavo.

Masangano apinda mumusangano uyu anosanganisira Zimbabwe Lawyers For Human Rights, Zimbabwe Human Rights NGO Forum, MISA-Zimbabwe, Bulawayo Agenda, National Constitutional Assembly nemamwe.

Mapato asangana nemasangano aya anosanganisira MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, ZAPU, Democratic Party, Mavambo-Kusile-Dawn pamwe neMDC99.

Bato reZanu PF rinonzi harina kuuya kumusangano uyu, kunyange hazvo rakanga rakakokwa.

Vakuru vemapato anga ari pamusangano uyu vanosanganisira VaTsvangirai, munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano mu MDC-T, Va Nelson Chamisa, pamwe nemutungamiri we Democratic Party, Va Wurayayi Zembe.

Masangano aya anoti haasi kufara nemafambisirwo ari kuitwa zvinhu munyika zvinosanganisira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, nyaya dzesarudzo, pamwe nemashandiro ari kuita hurumende yemubatanidzwa.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano re National Constitutional Assembly, Va Blessing Vava, vanoti chinangwa chavo change chiri chekuda kusangana nemapato ose ari muhurumende yemubatanidzwa.

Musangano uyu wasvitsawo kuvakuru vemapato nhuna dzavo dzakabuda pamusangano wakaitwa neMuvhuro nemasangano aya.

Zvichakadaro, VaTsvangirai vaudza masangano akazvimirira oga nemapato madiki ezvematongerwo enyika aya kuti havasi kufara nemashoko emauto ekuti vanotsigira Zanu-PF chete uye havasi kuzotendera kuti munhu asina kurwa hondo atonge nyika.

Izvi zvinotevera mashoko akataurwa nemumwe mukuru wemauto, Major General Trust Mugoba, kurufu rwaLiutenant Colonel Thabani Khumalo kuImbizo Barracks neMuvhuro.

Bepanhau reHerald rinoti Major Mugoba vakati mauto akagadzirira kudeura ropa kana zvichibvira kuti atsigire Zanu-PF kuti irambe ichitonga.

Nyaya yemauto iyi yakasimudzwa naVaTsvangirai kumusangano weSADC Summit vachiti SADC inofanira kudzora mauto eZimbabwe opinda nemwenje mudziva.

VaChamisa vanoti musangano wavaita nemasangano akazvimirira wafamba zvakanaka.

XS
SM
MD
LG