Accessibility links

Masangano Akazvimirira Obvisiswa Mari Munzvimbo Dzaanoshandira

  • Jonga Kandemiiri

Masangano akazvimirira anoti ari kushushikana nekuramba achishungurudzwa munzvimbo dzaari kushandira, zvikuru mumaruwa, umo ari kumanikidzwa kubhadhara mari dzekuti abvumidzwe kushandiramo nemahofisi emagavhuna pamwe nevamwe vakuru vakuru.

Izvi zvabuda pamusangano waitwa muHarare nemasangano aya nevatori venhau, zvichitevera kumiswa kushanda kwakaitwa masangano akazvimirira nagavhuna weMasvingo, VaTitus Maluleke, uye mashoko emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ekuti mamwe masangano akazvimirira haasi kurara achiruka nzira dzekuti vabve pachigaro.

Musangano uyu wapindwa nevamiriri vemasangano mapfumbamwe, ayo anosanganisira Crisis in Zimbabwe Coalition, Zimbabwe Election Support Network, chimwe chikwata cheZCTU neNational Constitutional Assembly.

Mukuru weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMacdonald Lewanika, vaudza Studio 7 kuti masangano avo anoona sekuti kuita uku kuda kukanganisa kushanda kwemasangano akazvimirira apo nyika yatarisana nesarudzo.

XS
SM
MD
LG