Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Vanopa Pfungwa Dzavo kuCopac


Vechidiki vanodarika mazana matatu vaunganidza pfungwa dzavo pazvinhu zvavanoda kuti zvinge zviri mubumbiro idzva remitemo yenyika, vakadzipa kukomiti yeparamende iri kutungamira chirongwa ichi yeCopac. Vechidiki ava vanoti vanoda kuti kodzero dzavo dzichengetedzwe munyaya dzedzidzo, hutano pamwe nekugara kwakanaka.

Chirongwa ichi changa chichitsigirwa neUnicef sezvo vechidiki vakawanda vakakundikana kupa pfungwa dzavo kumisangano yeCopac.

Mumwe wemasachigaro eCopac, VaDouglas Mwonzora, vanoti zvakakosha kuti vechidiki ava vape pfungwa dzavo, sezvo vari ivo vatungamiri venyika vemangwana.

Masangano ari pasi peCrisis in Zimbabwe Coalition anoti haasi kufara nemaitirwo ari kuitwa vachena muchirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika. Vachena vanonzi vari kudzingwa kumisangano ye Copac. Izvi zvaburitswa mugwaro raparurwa neChina, zvichitevera ongororo yakaitwa neCrisis In Zimbabwe Coalition.

Mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaSidney Chisi, vanoti mitemo yemuZimbabwe haisarure nokudaro munhu wese anofanirwa kupihwa mukana wekutaura zvaanoda.

XS
SM
MD
LG