Masangano akazvimirira ekumatunhu eBulawayo neMatabeleland asangana muBulawayo neMuvhuro nenyanzvi dzezvebumbiro remitemo kuti vazeye nezvebumbiro idzva riri kunyorwa, pamwe nekutarisa kana richichengetedza kodzero dzevanhu.
Musangano uyu, uyo wanga uchitungamirwa nesangano reBulawayo Agenda, unonzi wapindwawo nemamwe masangano anodarika makumi matatu. Musangano uyu unotevera kuziviswa kwakaitwa nemamwe emasangano emumatunhu kuti achakurudzira kuti veruzhinji varambe gwaro rebumbiro remitemo pareferendamu kana nyaya yekuzvitonga kwematunhu isina kuremekedzwa.
Matunhu matanhatu kubva mugumi anoti Manicaland, Matabeleland South, Matabeleland North, Bulawayo, Harare neMasvongo, anonzi akati anoda kuti matunhu azvitonge, uye vanhu vasarudze voga vatungamiri vematunhu aya.
Zvinonzi matunhu mana asina kuda kuti matunhu azvitonge anoti Mashonaland Central, Mashonaland East, Mashonaland West neMidlands.
Asi komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva, yeCopac, yakazivisa svondo rapera kuti mapato ezvematongerwo enyika akawirirana kuti vatungamiri vematunhu ava vachange vachisarudzwa nevamiriri vematunhu avo, asi hapana kujekeswa kana matunhu aya achizenge achizvitonga.
Mukuru weBulawayo Agenda, VaThabani Nyoni, vaudza Studio7 kuti sangano ravo riri kutevera chete zvakabva muvanhu panguva yekunzwa pfungwa dzevanhu zvekuti matunhu azvitonge.