Accessibility links

Breaking News

Mitengo yeZvekudya Zvinoshandiswa Mudzimba Yoramba Ichikwira


Sangano reConsumer Council of Zimbabwe, kana kuti CCZ, rinoti mari inodiwa nemhuri ine vanhu vashanu pamwedzi yakakwira kusvika pamazana mashanu emadhora pamwedzi mumwedzi waZvita wegore rapera.

Mari yezvekushandisa pamwedzi zvinodiwa nevanhu zvakaita semasamba, chingwa, mukaka nemafuta ekubikisa, inonzi yakakwirawo kubva pazana nemakumi mana nemadhora matatu, kusvika pazana nemakumi mana nemadhora mana muna Zvita makare.

Sangano iri rinoti zvinhu zvakawanda zvinogona kukwira mitengo yazvo gore rino. Inflation inonzi iri pazvikamu zvishanu kubva muzana (5%), iyo inonzi nedzimwe nyanzvi munyaya dzezveupfumi, yakagadzikana pari zvino.

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vaudza Studio7 kuti izvi zvinoreva kuti vashandi vachatosunga dzisimbe pavachaita hurukuro dzemihoro mugore rino ra2011.

Nyanzvi munyaya dzezveupfumi uye vari mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanotiwo chiri kupa kuti mitengo yezvinhu iyi irambe ichikwira inyaya yekusimba kwemari yekuSouth Africa, iyo yavakushandiswa munyika, uye kukwira kwemutengo wemafuta ekufambisa pasi rose.

XS
SM
MD
LG