Accessibility links

Breaking News

Mari Dziri Kupinda muMabhanga Dzokwira


Mari dziri kupinda mumabhanga emunyika dzinonzi dzakakwira kubva pa$3.1 billion kuenda pa$3.7 billion mukotoro yekutanga yegore rino, inova kubva muna Ndira kusvika muna Kurume.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezveupfumi dzinoti kukwira kwemari dziri kuiswa mumabhanga uku hachisi chiratidzo chekuti zvinhu zvave kugadzikana munyaya dzeupfumi, sezvo mari idzi dzisiri kugara kwenguva yakareba dziri mumabhanga aya.

Zvimwe zvinonzi zviri kukanganisawo kugadzikana munyaya dzezvemari kukwira kwakaita mari dzinoripirwa nevanenge vakwereta mari kumabhanga, idzo dziri pakati pezvikamu gumi nezvishanu kusvika pazvikamu makumi mana kubva muzana.

Vanhu vakawandawo munyika, zvikuru vemabhizimusi vekunze kwenyika, vanonzi vanotya kuisa mari dzavo kumabhanga nekuda kwekusagadzikana kwenyaya dzeupfumi munyika.

Zvinofungidzirwa kunzi mari inosvika mabhiriyoni matatu iri kutenderera muvanhu isiri kuenda kumabhanga.

Nyanzvi mune zveupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Reaserach Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti kukwira kwemari dziri kupinda mumabhanga uku hachisi chiratidzo chekuti vanhu vave nechivimbo nemabhanga.

XS
SM
MD
LG