Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Opa Huchapupu Hunopesana Mudare


Mumwe mufakazi wehurumende panyaya iri kupomerwa sachigaro wevechidiki muMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, Va Solomon Madzore, nevamwe vavo makumi maviri nevasere yekuponda mupurisa Va Petros Mutedza gore rapera adoma mumwe wevasungwa ava achiti aivapo pavanhu vakaita mhirizhonga yakakonzera kufa kwaVaMutedza.

Gweta rehurumende panyaya iyi, Va Edmore Nyazamba, vashevedza mufakazi wechina kuti azopa humbowo pakutongwa kuri kuitwa VaMadzore nevamwe vavo pamhosva yavari kupomerwa.

Mufakazi uyu, Va Solomon Mushaninga, avo vanove mupurisa ari kushandira kukamba ye Mabvuku, asi panguva yakaitika nyaya iyi vaishanda vari kubazi remapurisa anorwisana nemvongamupopoto, vaudza dare kuti vanoziva vamwe vasungwa ava maererano nekupondwa kwakaitwa VaMutedza.

Vati pavakasvika pabhawa rekwaMunyarari riri ku Glen View 3 vaina VaMutedza, paiva nenhengo dzeMDC dzinokwana makumi masere dzaiva dzakapfeka zvipfeko zvitsvuku zvine zvichena dzichinwa doro dziri panze pebhawa iri uye vamwe vacho vaiimba nziyo dzemusangano. Vati nhengo idzi dzakapfuura nemubhawa dzichienda kuseri kwebhawa iri uko kwavakazowanikwa vari pavakateerwa nemapurisa aitungamirirwa nemushakabvu.

Vati pavakaenda kuseri kwebhawa iri vakawona nhengo dzeMDC dzainge dzodarika zana uko kwakazonetsana VaMutedza neumwe wechidiki weMDC aiti mapurisa anofanirwa kupondwa nekuti anovhiringidza misangano yeMDC asi pasina zvaanoita ku Zanu PF ndokubva mapurisa atanga kutemwa nematombo nenhengo dzeMDC idzi.


Va Mushaninga vati mapurisa paakatiza achipinda mubhawa, vakaona nhengo yekomiti yepamusoro ye MDC National Executive, Va Last Maingehama vari pakati pevanhu vaiita mhirizhonga yakakonzera kufa kwaVa Mutedza.

Asi rimwe remagweta evasungwa ava, Amai Beatrice Mtetwa, varamba kuti Va Mushaninga varambe vachienderera mberi nekudoma vanhu vavakaona vari pakati pevasungwa vachiti humbowo hwakadai haungatambirwe nedare.

Amai Mtetwa vati mapurisa aifanira kumisa vanhu ava paruzhinji nyaya iyi isati yauya mudare kwete kuti mufakazi adome munhu ari mubhokisi rekutongwa sezvo vati pamusana pekuti munhu ari mubhokisi rekutongwa anenge achingozivikanwa kuti ndiye munhu anenge achipomerwa mhosva.

Amai Mtetwa vati VaMushaninga vakambopinda mudare vakagara kunogara vatori venhau vachizviitawo mutori wenhau pakambopinda nyaya iyi mudare. Asi Va Mushaninga varamba mashoko aya vachiti hachisi chokwadi.

Mutongi wedare, Va Chinembiri Bhunu, vatura mutongo wekuti mufakazi anogona kunongedza vasungwa sezvo vachiti zvakangofanana nekunongedza vasungwa ava paruzhinjii.

Nyaya iyi ichaenderera mberi neMuvhuro.

XS
SM
MD
LG