Accessibility links

Vanhu vakawanda muHarare vanonzi vave kufamba netsoka kuenda kumabasa kana kunotenga zvinhu zvekushandisa pazororo rekisimusi.

Izvi zvinotevera kusungwa kuri kuitwa vemichovha vasina kugadzirisa madutavanhu avo pamwe nevasina mapepa akakwana anoratidza kuti makombi aya ari kuita basa zviri pamutemo.

Izvi zvapa kuti vane madutavanhu ane mapepa akakwana vawedzere mari dzemakombi kubva pamasendi makumi mashanu kusvika padhora rimwe chete, dzimwe nzvimbo dzichiita madhora maviri.

Vamwe vanhu vanonzi vari kusiirwa kure nenyaya yekuti vemakombi vave kutya kupinda mudhorobha mune mapurisa.

Vemakombi vanoti vari kukanganiswa bhizimisi ravo nemapurisa nekuti munguva ino vanhu vakawanda vanenge vachishandisa makombi.

Studio7 haina kukwanisa kuziva kuti imotokari ngani dzabviswa mumigwagwa nemapurisa.

Mutauriri wemapurisa, Supritendant Andrew Phiri, vanoti havasi kuzodzokera shure pachirongwa ichi sezvo vasiri kuda kuti mumigwagwa muite njodzi.

XS
SM
MD
LG