Mutevedzeri wasachigaro weMDC VaJob Sikhala vanonzi vadaidzwa kumapurisa eLaw and Order muHarare zvichitevera mashoko avanonzi vakataura kuBikita ari kunzi nevehurumende akanangana nekuda kuipidigura.
Vachitaura neStudio 7 VaSikhala vatenda kuti vadaidzwa kumapurisa nenguva dzana 9 mangwana mangwanani.
VaSikhala vanonzi vakataura mashoko aya kubikita vanzi vakati VaMnangagwa vachabviswa pachigaro sarudzo dza2023 dzisati dzasvika.
Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vambenge vashorawo zvikuru mashoko avati akataurwa neimwe nhengo yeMDC yavasina kuda kudoma avanoti akanangana nekuda kupidigura hurumende.
Mumashoko kuvatori venhau VaMangwana vati vanodzivirira nyika vakagadzirira kudzivirira zvakadai kuti zviitike.
Vati vanopikisa ava vanogona kunge vari kuda kutanga musindo kuti vasungwe nechinangwa chekuvhiringidza musangano pakati pegurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaSibusiso Moyo negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muBritain VaJeremy Hunt nemunyori mukuru weCommonwealth Baroness Scotland.
Vati havasi kuzodya chirauro chiri kukandwa nevanopikisa. Asi vachipindura, mutauriri webato reMDC VaDaniel Molokele vanhu vari kuda kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya.
Facebook Forum