Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anomisa Musangano weMDC Wekunzwa Zvinofungwa neNyanzvi


Mapurisa anonzi akarambidza hurongwa hwe New Zimbabwe Lecture Series kuita musangano nemusi weChitatu.

Hurongwa hwekunzwa nyanzvi dzichitaura pamusoro pezviri kuitika muZimbabwe hunoitwa nebato re MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai.

Mapurisa anonzi akamisa musangano uyu pahotera iri mu Harare apo vanhu vakanga vaungana kuti vazonzwa Professor Patrick Bond, ve Centre for Civil Society pa University of KwaZulu Natal mu South Africa vachitaura.

VaBond vaifanirwa kutaura pamwe chete naVa Ibbo Mandaza ve Southern African Political Economy Series kana kuti SAPES.

Va Bond, avo vanoremekedzwa zvikuru munyaya dzekufunga nepana mazana, vakashamiswa zvikuru nekuita kwemapurisa nekuti Zimbabwe imwe yenyika dziri kubatwawo nenyaya dziri kuitika pasi pano zvikuru sei nyaya dzemamiriro ekunze.

Nyanzvi inoona nezvematongerwo enyika uye vari mukuru anoona nezvebazi rwezvegwara nekupangana mazano muMDC-T, Va Charles Mangongera, vanoti vakashamiswawo nekuita kwemapurisa.

VaMangongera vanoti kunyange hazvo musangano wavo wakarambidzwa kuenderera mberi, vacharonga kuita mumwe musangano wakadai munguva pfupi inotevera.

XS
SM
MD
LG