Accessibility links

Breaking News

VaKasukuwere naVaMpofu Vonetsana paNyaya ye Zimplats


Vanyori vemapazi maviri anoti ezvemigodhi nerekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaPrince Mupazviwo naVaGeorge Magosvongwe, vasangana muHarare neChipiri vachiedza kutsvaga nzira dzekugadzirisa makakatanwa pamusoro pekambani yemigodhi yeZimplats, iyo inonzi iri kuramba kutevedzera mitemo yekuendeswa kweupfumi kuvatema.

Gurukota rezvekuendeswa kweupfumi kuvatema, VaSaviour Kasukuwere, svondo rapera vakapa Zimplats masvondo maviri ekuti inge yaita zviri kudiwa nebazi ravo. VaKasukuwere vakati kambani iyi ikatadza kuita izvi, yaizotorerwa rezenisi rayo.

Asi zvinonzi gurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, vari kuti mitemo yekuendesa hupfumi kuvatema, inofanirwa kushandiswa nehungwaru, sezvo ichikwanisa kuvhiringa zvinhu munyaya dzemigodhi.

VaKasukuwere naVaMpofu vari kutarisirwa kusangana zvakare neChitatu vachizozivisa zvabuda mumusangano waitwa uye zvavanenge vasunga mumusangano wavo.

Mapazi maviri aya haasi kuwirirana panzira dzekuendeswa nadzo kweupfumi kuvatema. Ukuwo kambani yeZimplats iri kuti yakatoendesa kare upfumi kuvanhu kuburikidza nekupa kwayakaita masheya kuvagari vemunharaunda ine migodhi yayo.

Mutevedzeri wegurukota rezvemogdhi, VaGift Chimanikire, vanoti bazi ravo chete ndiro rine masimba ekuvharisa migodhi, kwete vamwe vavanoti vari kuda kushandisa zvematongerwo enyika mukuita kwavo.

XS
SM
MD
LG