Accessibility links

Breaking News

Mapato Oshora Zvakadzama Mhirizhonga Iri Kuitika


Mapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa neChishanu akabvumirana kushanda pamwe chete mukudzivirira mhirizhonga inonzi yatekeshera muHarare pamwe nedzimwe nzvimbo munyika.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau mushure memusangano weJoint Operation and Implementation Committee, kana kuti JOMIC, vamiriri vemapato matatu aya, ayo ari kushanda ari pasi peJOMIC, vati vatanga hurongwa hwekuferefeta vari kukonzeresa mhirizhonga iyi, uye vakurudzira kuti vanhu vasaite zvemhirizhonga.

Vachitaura vakamirira masachigaro epurovhinzi yeHarare emapato ose ari matatu ari muhurumende yemubatanidzwa mushure memusangano wavaita pasi peJOMIC, Va Amos Midzi ve Zanu PF, vati mapato ose ari matatu haasi kufara nemhirizhonga iri munyika.

Imwe nhengo yeJOMIC, uye vari munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa ezvematongerwo enyika muMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, Va Elias Mudzuri, vati hazvina zvazvinobatsira kuti Zimbabwe iite sarudzo dzine mhirizhonga vachiti zvinenge zvabuda musarudzo dzine mvongamupopoto hazvizoyemurwa neruzhinji rwe Zimbabwe pamwe neve pasi rose.

Mumwe mukuru wemapurisa muHarare, Senior Assistant commissioner Clement Munoriyarwa, vanoti mapurisa akagadzirira kudzivirira mhirizhonga yose ingade kuitwa neMDC kana ichida kutevedzera zviri kuitika kuEgypt neTunisia.

Vatsigiri veZanu-PF nevakuru vebato iri vari kutaura mashoko ekuti MDC iri kuda kutevedzera zviri kuitwa kuEgypt, asi veMDC vanoti aya manyepo.

Asi gurukota rezvekudzivirirwa kwemukati menyika, Amai Theresa Makone veMDC, vanotiwo mashoko ari kutaurwa nemapurisa pamwe nevanhu veZanu PF haana nemusoro wese.

Mamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti vechidiki vari kukonzera mhirizhonga ava vari kubva kuInkomo Barracks uko vanonzi vari kudzidziswa zvechiuto. Mukupera kwegore, mauto akazivisa kuti aida kupinza basa vechidiki vakabva kuNational Youth Training Centre kunyange hazvo vasina ma “O Levels” mashanu.

Asi gurukota rezvevechidiki, VaSavior Kasukuwere veZanu-PF, varamba mashoko ekuti pane vechidiki vari kudzidziswa zvechiuto kuInkomo Barracks.

Mutauriri wemapurisa, VaOliver Mandipaka, varambawo kuti pane mhirizhonga iri kutika kuMbare kunyange hazvo nhengo dzeMDC dziri kutiza munzvimbo iyi dzichienda kunopotera kumuzinda webato ravo muHarare.

XS
SM
MD
LG