Accessibility links

Breaking News

Mapato Asiri muGPA Anoda Kuita Hurukuro naVaZuma


Mapato mana asiri muhururmende yemubatanidzwa anoti anyorera mutongigava pagakava remuZimbabwe, uye vari mutungamiri weSouth Africa, Va Jacob Zuma, gwaro renhuna dzavo vachiti VaZuma vanofanira kusangana navo pavakatarisirwa munyika chero nguva.

Gwaro iri rasvitswa kumuzinda weSouth Africa muZimbabwe

Vachitaura nevatori venhau muHarare, vatungamiri vamapato mana aya anoti Zapu, MDC99, Zanu Ndonga pamwe ne Democratic Party, vati havasi kufara nemamiriro akaita zvinhu munyika panguva iyo mutungamiri wenyika, VaRobert Nugabe, vari kuda kuti sarudzo dziitwe gore rino.

Mutungamiri weZapu, VaDumiso Dabengwa, avo vaimbova gurukota rezvinoitika mukati menyika, vati vanoda kuti VaZuma vasangane nemapato asiri muhurumende yemubatanidzwa pakatarisirwa Va Zuma kunge vari munyika vachigadzirisa zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa.

Mutungamiri weDemocratic Party, VaWurayayi Zembe, vashora nyaya yemhirizhonga iri kuitika munyika vachiti zvese izvi zviri kuitwa naVaMugabe sezvo vari ivo mutungamiri wemauto ayo ari kushungurudza vanhu. VaZembe vati bumbiro remitemo yenyika rakanyorwa kuti VaMugabe ndivo vachange vari mutungamiri wenyika, izvo zvinopa kuti paite dambudziko kana sarudzo dzikaitwa pachishandiswa bumbiro riripo.

Asi Zanu PF inoti sarudzo idzi dzinogona kuitwa pachishandiswa bumbiro remitemo raivapo hurumende yemubatanidzwa isati yaumbwa.

Mutungamiri weMDC99, VaJob Sikhala, vatiwo vachapinda zvechisimba mumusangano uchaitwa naVa Zuma nevatungamiri vemapato ari muhurumende yemubatanidzwa kana VaZuma vasina kuvapa mukana wekuti vasangane navo kuti vazeye nhuna dzavo.

VaZuma vakatarisirwa kupinda munyika mushure mekunge sangano renyika dziri kuchamhembe kweAfrica, reSADC, rakurudzira VaZuma kuti vauye munyika nechimbichimbi kuzogadzirisa zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa pakatariswa sarudzo dziri kuda kuitwa munyika.

Mapato anopikisa hurumende yemubatanidzwa aya anoti haasi kuzopinda musarudzo kana zvese zvine chekuita nesarudzo zvagadziriswa.

Zvichakadaro, nhumwa dzaVaZuma dzinonzi dzave kutarisirwa kuuya mukutanga kwesvondo rinouya kuzoyedza kuunza kuwirirana pazvinhu zvinoifanirwa kuitwa muhurumende yemubatanidzwa.

Musangano wenhumwa dzaVaZuma idzi uri kutarisirwawo kuti ukure nzira yemusangano mukuru waVaZuma nehutungamiri hwemuZimbabwe.

Vachitaura pamusangano wakarongwa neSapes Trust muHarare neChina manheru, mumiriri weSouth Africa muZimbabwe, VaVusi Mavimbela, vakati nhumwa dzaVaZuma dzaida kupinda munyika neChitatu, dzakakundikana sezvo Zimbabwe yainge isina kugadzirira. VaMavimbela vanoti nhumwa idzi dzave kuuya munyika neMuvhuro.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti vatungamiri venyika dzemuSADC vanoti vaneta nehupwere huri kuratidzwa nevatungamiri vehurumende, avo vari kutadza kuita zvavanosungirwa kuita nechibvumirano chematongerwo enyika.

Nyanzvi yezvematongerwo enyika inotaura yakazvimirira, Muzvare Gladys Hlatshwayo, vanoti havaoni nyaya yeZmbabwe ichigadziriswa nechimbi chimbi sezvo Zanu-PF iri kukweva makumbo.

XS
SM
MD
LG