Accessibility links

Breaking News

Maonero eAmerica paNyaya yeNzara Pasi Rino


mudzimai wekuAfghan akatakura chikafu kubva ku United States Agency for International Development (USAID), ( Kabul, Afghanistan, July 26, 2011)
mudzimai wekuAfghan akatakura chikafu kubva ku United States Agency for International Development (USAID), ( Kabul, Afghanistan, July 26, 2011)

Mashoko anotevera anotaura pamire hurumende yeAmerica panyaya yezuva rekupedza nzara kana kuti World Hunger Day. United Nations inoti nzara zvinoreva nguva yekuti vanhu vanenge vachishaya zvekudya kwemazuva akawanda.

Asi vanhu havayaure nenzara nekuti nyika dzepasi rino dzinenge dzisina goho rakakwana. Kunyangwe paine chikafu chinokwanira vanhu vose, vanhu mamiriyoni mazana manomwe nemakumi mana nematanhatu kana kuti 746 million vanorara nenzara.

Musi wa 28 Chivabvu anove mangwana, nyika dzepasi rino dzinocherechedza zuva renzara kana kuti World Hunger Day.

Kusanganisira gore rino, ave makore gumi zuva iri richicherechedzwa uye izvi zviri kuuya panguva iyo vanhu mamiriyoni mapfumbamwe vari kufa gore roga roga nekuda kwenzara. Asi kunyangwe zvakadaro, United Nations inoti huwandu hwevanhu vari kuziya nenzara huri kuramba huchiderera.

Mumakore mana ekutanga emakore ekuma 1900, vanhu vanosvika zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana kana kuti 15% vange vachifa nenzara. Asi muna 2015, huwandu uhu Hwange hwaderera kusvika pazvikamu zvipfumbamwe kubva muzana kana kuti 9%.

Asi mumakore mashanu akatevera,vakawanda vakatangazve kushaya zvekudya zvichikonzerwa nenyaya yehondo, kusanaya zvakanaka kana kunayisa kwemvura uye kusagadzikana munyaya dzezvehupfumi munyika dzakasiyana siyana.

Kubva muna 2018 kusvika 2019, huwandu hwevanhu vari kuyaura nenzara hwakawedzera nevanhu mamiriyoni gumi.

Kuuyawo kwechirwere cheCovid-19 kwabva kwakandawo vakawanda mukanwa mamupere sezvo vakarasikirwa nemabasa uye kusarimwa ne kugadzirwa kwezvekudya nekuda kwekutyira kupararira kwechirwere ichi kwakapawo kuti mitengo yezvinhu idhure zvakanyanya.

Covid-19 yakapawo kuti kushanyira kana kutaura nevari kunzvimbo dzine nzara kunetse.

Asi hurumende yeAmerica iyo inopa rubatsiro rwakawandisa kunyika dzepasi rino kuburikidza nezvirongwa zvakaita seFeed the Future nezvimwe zvinoitwa ne U.S. Agency for International Development, the State Department, nebazi rezvekurima inoti yakazvipira kuramba ichibatsira vari kuyaura nenzara pasi rino.

Mashoko aya anotaura pamire hurumende yeAmerica panyaya yenzara pasi rino.

Mashoko Anotaura Pamire Humende yeAmerica paNyaya yeNzara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG