Accessibility links

Breaking News

Maonero eAmerica paKusaitwa kweSarudzo muSomalia


Mutungamiri weSomalia Va Mohamed Abdullahi Mohamed
Mutungamiri weSomalia Va Mohamed Abdullahi Mohamed

Mashoko anotevera anotaura pamire hurumende yeAmerica pane zviri kuitika muSomalia.

Makore mana ekutungamira nyika yeSomalia kwaVaMohamed Abdullahi Mohamed vanozivikanwa nekuti Farmaajo akasvika kwamvura yacheka makumbo nemusi wa 8 Kukadzi asi vachiri pachigaro sezvo paine kunetsana pakati pavo nevatungamiri vematunhu kana kuti Federal Member State kuti sarudzo dzinoitwa riini.

Musi wa12 Kubvumbi, dare reparamende remuSomalia rakatambira bhiri rekuti nhengo dzedare dziramba dziri vamiriri kwemamwe makore maviri pasina kuitwa sarudzo.

Mutungamiri wenyika VaFarmaajo vakabva vatambira bhiri iri zuva rakatevera kunyangwe nhaurirano dzainge dzisati dzapera dzekuti gakava iri rogadziriswa sei.

Dzimwe nyika kusanganisira America dziri kushora zvikuru danho rekuwedzera makore ekutonga pasina kuitwa sarudzo dzichiti zvinokonzera kusagadzikana munyika iyi nedzakapoteredza uye kuti zvinopa chikwata chinopfurikidza mwero cheAl -Shabaab mukana wekurwisa zvakasimba hurumende chichitora mukana wekusabatana uyu.

America nedzimwe nyika dziri kuyambirawo kuti kusagadzirisa gakava iri kuchapa kuti hurumende itadze kuwana nguva yekugadzirisa mamwe matambudziko akatarisana nevanhu.

Mumashoko kuvatori venhau, gurukota reAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaAntony Blinken vanoti havatendereni nevanoda kuramba vachitonga pasina kutenderana kwevanhu vose munyika uye kuti vashoma vangovhote panyaya yakakosha iyi.

VaBlinken vanoti maitiro aya anokonzera kusawirirana uye kuvhiringidza nyaya yekuvandudza nyaya dzezvematongerwo enyika uye kupa kuti vanhu vasiyane nekurwisa Al Shabaab vachinetsana. Vaenderera mberi vachiti zviri kuitwa nehurumende Izvi zvinonotsawo kuitwa kwesarudzo dzakatarisirwa nevanhu vakawanda vemuSomalia.

VaBlinken vati America inokwanisa kutemera vamwe vakuru vemunyika iyi zvirango uye kumbomira kuipa rumwe rubatsiro.

Nyika iyi inorarama nerubatsirwa rwunobva kunyika dzekunze kuti iwane zvekudya uye zvombo zvehondo zvekuzvidzivirira.

VaBlinken vakurudzira mapato ose ari muSomalia kuti atangezve hurukuro pasina kuita humbimbindoga zvinozounza kusagadzikana.

Ayo mashoko anotaura pamire hurumende yeAmerica pane zviri kuitika kuSomalia.

Mashoko Anotaura Pamire Hurumende yeAmerica Pane Zviri Kuitika muSomalia
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG